Opika jeri rekugara netsoko

02 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Opika jeri rekugara netsoko Exif_JPEG_420

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekusungwa aine tsoko muAfrica Unit Square, muHarare akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrates’ Courts achitarisana nemhosva yekutyora mutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango weParks and Wildlife Act ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu.

Zachariah Moyana (32) anobvuma mhosva yake pamberi pemutongi Tafadzwa Miti uye akapihwa mukana wekubhadhara faindi yeZW$15 000,  kukundikana kwake kuibvisa kuchaita kuti agare mujeri kwemwedzi mitatu.
Tsoko iyi,  iyo inokosha US$500 kana kuti ZW$262 500 uye yakaiwanikwa iri mhenyu, yakatotorwa neveParks and Wildlife.
Paabvunzwa nemutongi kuti chii chakaita kuti atange kuchengeta tsoko iyi, Moyana  anoti ndiye akatoinunura mushure mekunge amai vayo vauraiwa neveruzhinji kuChipinge iye ndokutanga kuichengeta kubvira ichiri rushiye.

“Vanhu vane utsinye vakauraya amai vekatsoko aka, saka ini nerudo uye tsitsi dzangu ndakakatora ndikatanga kukachengeta ndichikakurungira bota, kukapa michero yakadai semabanana, maranjisi, maapple, sadza nezvimwe.

Saka musi wandakasungwa ndaitoda kuiendesa kune vanoona nezvemhuka,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.
Murume uyu paanobvunzurudzwa kuti akafamba sei netsoko iyi kubva kuChipinge kupinda muguta reHarare, anoti vanhu vaingomufarira nekuda kwekuti ainge akabata kamhuka aka saka haana kana kuita dambudziko zvekuti kunyangwe vatyairi vemabhazi havana kana kumubhadharisa.

Muchuchisi Thomas Chanakira vanoudza dare kuti nemusi wa28 mwedzi uno, matikitivha ekuCID Minerals, Flora and Fauna Unit muHarare vakatambira mashoko ekuti muAfrica Unit Square maive nemurume ane tsoko.
Vakaenda vakamuwana aine tsoko iyi akatogara pachigaro apo tsoko iyi yaive pamusoro pebhegi rake.

Matikitivha aya akamukumbira kuti aburitse magwaro anoratidza kuti ane kodzero yekuchengeta mhuka dzesango asi akakundikana izvo zvakaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>