Opikira kudanana nemwana (14)

09 May, 2023 - 10:05 0 Views
Opikira kudanana nemwana (14) Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza ane makore 20 okuberekwa akazvisikira moto muziso zvichitevera kudanana kwaakaita nekasikana kane makore 14 ndokushereketa nako.

Panashe Simai wekuUnit N, akashaya matyira maringe nechengetedzo yevanasikana apo akasangana nemwana uyu mumugwagwa kuUnit F munaKukadzi gore rino achibva atanga kumupfimba iye ndokubvuma.

Akatongwa nemhosva yekusherereketa nepwere (Section 70(1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 Having Sex with a minor).

Mutongi Winfilda Tiyatara vakapa Simai chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 uye vakazomubvisira mwedzi mina nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yakadai mumakore mashanu anotevera.

Vakabvisa zvekare mwedzi misere yainge yasara nechitsidzo chekuti anofanira kunoshanda pasina muripo kwemaawa 280 paSeke 11 Primary iri muChitungwiza mekare.

Achipa huchapupu mudare, mwana uyu anoti: “Simai akandipfimba ndasangana naye kuUnit F ini ndikabvuma. Ndakamupa nhamba dzangu saka pakutanga mumwedzi waKukadzi akandideedza kumba kwake ndikaendako. Kechipiri, ndakaperekedzwa neshamwari yangu (zita tinaro) uye akabva aituma kunotenga mupunga ini ndikasara naye mumba.”

Gure iri rakazofumuka apo nyaya iyi yakasvika munzeve dzemukoma wemwana uyu vachibva vaenda naye kumapurisa kunomhan’ara zvikaita kuti Simai asungwe.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu uye ekuzvarwa kwake akaburitswa mudare seumbowo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>