Opura mari nehuku, nguruve

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Opura mari nehuku, nguruve Mambo Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI anobva mumusha waSabhuku Zihundi mudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa akurumbira nekupfuya huku dzechivanhu dzinosanganisira majongwe nesheshe uyewo nedzemazai rinova basa raita kuti adzinge nzara mumba make nekuzviwanira mari zhinji.Pamusoro pazvo, murimi uyu – VaFredddie Zowa – vari kupfuyawo nguruve panzvimbo imwe chete iyi uye vasvitsa makore matatu vachiita basa iri.

VaMaxwell Warini (54) vanova mushandi mubasa iri, avo vakataura vakamirira VaZowa, vanoti basa rekupfuya huku dzemazai nedzenyama nekuchengeta nguruve haridi zvakawanda uye rinopa mari nenguva pfupi.

“VaFreddie Zowa ava ndiye murungu wangu wandinoshandira, nyaya huru yandinoda kudzidzisa vanhu ndeyekuti hativerenge vanhu vanoenda kumabasa nemari yatinowana pano,” vanodaro.

Murimi uyu ane majongwe emasanganiswa ehuku dzechiRungu nedzechivanhu anokwana 150 kuchitiwo sheshe dzacho zana nedzemazai huku dzinokwana zana zvakare.

“Huku dzedu dzakura, majongwe tave kutengesa $15 rimwe chete kune vanoda sheshe mutengo mumwe chete, mazai tinotengesa kireti $8. Pazuva, huku dzedu dzinokandira mazai mazana maviri kureva kuti panobuda makireti matanhatu nemamwe mazai pamusoro pazuva,” vanodaro.

“Nguruve vanoti vane nhanhatu dzose dzine mauta ave kuda kusvika pakuberekwa.

“Nguruve taimbova nadzo dzakawanda idzo takatengesa tikasara nehadzi dzave kuda kubereka mumwedzi mishoma iri kutevera,” vanodaro.

VaWarini vanoti zvipfuyo zvakadai senguruve nehuku zvinoda kupiwa kudya panguva yakakodzera kuti zvikure zvakanaka uyewo nekuita mazai panguva yose.

“Huku dzemazai dzikapihwa kudya kushoma dzinotadza kuita mazai akawanda, semuenzaniso dzinogona kungokandira kamwe chete pazuva kunze kwekaviri,” vanodaro.

Makasitoma avo mazhinji vanoti vanoawana kunzvimbo yemabhizimisi yepaCross, kwaMusami kwaMurehwa kwakare nekuHarare.

“Vamwe vari kutenga huku dzekupfuya majongwe nesheshe dzacho vamwe vachitenga dzekuita nyama. Panguva yekunge nguruve dzedu dzakura, tinouraya tichitengesa iri nyama kana dziri mhenyu,” vanodaro.

Sezvo vachiita kudya kwezvipfuyo izvi kwekutenga muzvitoro, vanoti vari kuronga kuzoshandisa minda yavainayo kurima chibage nemapfunde nemhunga zvavanozogadzirisa kudya kwezvipfuyo izvi nekugaisa.

Vanokurudzira vechidiki vari kutsvaga mabasa kuti vatange mabhindauko emaoko akaita seavari kuita pane kumirira kutsvaga mabasa mumakambani.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>