Opura mari nemadomasi  

25 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Opura mari nemadomasi   Godwin Mungofa (kuruboshwe) naAllen Chivige vari mumunda wemadomasi

Kwayedza

Kingstone Mapupu 

MURIMI wemadomasi kunharaunda yeDema kudunhu raMambo Seke, kuMashonaland East oita zvinorova nechirongwa chekurima achidiridzira.

 VaIgnatius Mabuko (43), avo vanoshanda kukanzuru yeManyame Rural District Council pachipatara cheKunaka Dema Hospital, vanoti basa rekurima ragara riri mavari sezvo kumhuri yavo vakakura vachirima.

“Munda wangu chidimbu cheyeka uyo ndinorima mbesa dzakasiyana ndichiita zvekudiridzira nemvura inobva mudhamu reDema rinoganhura maruwa ekuno kwaSeke nemapurazi ekuGoromonzi. Kubva ndatanga basa rekurima ndichidiridzira iri, upenyu hwangu huri kusimukira. Ndinorima mbesa dzose kubvira kumadomasi, chibage, nzungu, muriwo, derere, macarrots nezvimwe zvakasiyana kubva muchirimo nemuzhizha,” vanodaro VaMabuko.

Mvura iyi vanoidhonza kubva kudhamu rinova chinhambwe mamita zana kusvika pane munda wavo.

“Kukura kwemunda handiko kunoita kuti murimi arime zvinooneka, newangu munda mudiki ndinorima zvekugutsa vanhu vakawanda ndichitengesa zvirimwa zvangu kwakasiyana kunosanganisira kwaChikwanha nekuMbare nemuno munharaunda. Handina nguva yandinomira kurima, muchirimo kusvika muzhizha,” vanodaro VaMabuko.

Zvakadai, murimi uyu ane madomasi ava kutsvuka aanohodhesa kune vemarori nekuvanhu vanotengesa kwakasiyana.

“Nyaya hombe ndinoshanda nevarimisi nenyanzvi dzekuchengetedzwa kwezviwanikwa tichitevedza mitemo inodiwa. Ndine hama dzangu dzinondibatsira kuita basa iri vanosanganisira VaGodwin Mungofa (19) naVaAllen Chivige (19) vanoita basa rekurima panguva yandinenge ndakabatikana,” vanodaro VaMabuko.

“Hatina nguva yekuzorora, kunyangwe muchirimo zvinoita kuti tiwane mari nguva dzose,” vanodaro.

VaMabuko vanokurudzira vamwe varimi kuti vagare vakarongeka kuitira kuti basa ravo rifambe zvakanaka.

“Murimi gara wakarongeka nguva dzose, hapana nguva inonzi yekuzorora kumurimi. Ngatishandeiwo nevarimisi tichiendesa ivhu reminda yedu kuti rinoongororwa tigoziva kuti rinoda fetereza yakawanda sei,” vanodaro VaMabuko.

  Mashoko avo anotsinhirwa VaChivige vachiti: “Tinotenda VaMabuko nekutisimudzira kuti tive neruzivo rwekurima mbesa dzakasiyana izvo tiri kubatsirana navo. Tikazowanawo yedu minda, tinokwanisa kuita zvimwe chete. Munda wedu uri kure nemisha zvinoreva kuti tinogarira kuti tisabirwe nemakororo sezvo izvozvi muchiona kuti madomasi edu aibva.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>