Opura mari nezvihuta

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Opura mari nezvihuta

Kwayedza

MURIMI wemumusha weProspect kuWaterfalls, muguta reHarare oita mbiri yekupfuya shiri dzezvihuta idzo ari kutengesera vemabhizimisi akasiyana ayo anosanganisira vemahotera, makoreji nevemayunivhesiti.

VaStuart Gomwe, avo vanogara panhamba 255 mumugwagwa waNelson Avenue, vanoti vakatanga basa rekupfuya zvihuta iri gore rakapera mushure mekudzidziswa machengeterwo azvo.

Mushandi anoita basa iri, VaTigere Taruvinga (28), vanoti vakatanga nezvihuta 700 izvo vakanga vatenga kune vamwewo vari mubhizimisi iri. “Izvozvi tine zvihuta 5 000 pamwe chete izvo tinotengesa tauraya zvimwe zviri zvipenyu kune vanoda kunopfuyawo. Nyama yezvihuta inodiwa zvikuru kumahotera nezvitoro zvekubika, muzvikoro zvemakoreji,” vakadaro VaTigere.

Shiri imwe chete yakauraiwa inoita US$2 uyewo mhenyu ichitengeswa US$3, hukwana dzichangobva mukuchecheny’a dzinoitawo US$1.

“Shiri idzi tinodzipa makireshi sezvinoitwa huku, tinotanga nestarter mesh tozodzipawo growers nekufamba kwenguva kusvikira dzave kukandira. Shiri idzi dzinokandira zuva nezuva kwemakore matatu akatevedzana. Hapana zvirwere zvakawanda zvinobata shiri idzi,” vakadaro VaTigere.

Vanoti kuti mazai aya achecheny’e, haarindirwe neshiri idzi asi kuti vanoisa muimba inoshanda nemagetsi inenge yakapimwa mwero unodiwa nemazai pakudziya inonzi “incubator” umo anochecheny’a mushure memazuva gumi nematanhatu.

“Shiri dzedu dziri mumatanga ewaya ine maburi madiki kuti dzisabude umo dzinokandirira. Tinozotora mazai aya toisa mumatray umo tinoisa mu”incubator” munokwana mazai 15 000 panguva imwe chete. Tinosanganisawo zvedu neehuku. Pamazai aya, chikamu chinosvika 70% anochecheny’a kotiwo 30% anotadza kuchecheny’a hukwana dzofira mukati,” vakadaro.

Nguva nenguva murimi uyu anogara aine zvihuta zvemazera akasiyana uye anogona kutengesa zvihuta 400 pazuva nemakireti emazai gumi.

Mazai eshiri idzi vanoti anofarirwa zvikuru nevanhu kuburikidza nekurapa kwaanonzi anoita zvirwere zvakasiyana pamwe nenyama yacho.

Shiri idzi dzinonzi dzinofambirana dzichiti hadzi 75 nemikono 25 panguva imwe chete.

Dziri kuchengeterwa mumakeji matatu ane makamuri mana kubva pasi kuenda mudenga. Zvakadaro, murimi uyu anopfuyawo huku dzechivanhu, hanga, hangaiwa netsuro.

Zvakadaro, anoti nzvimbo yaari kushandisa idiki nekudaro chishuwo chake chekuti kudai awanawo purazi rakatambanuka.

Share This:

Sponsored Links