Orambirwa kutotesa mubhedha

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Orambirwa kutotesa mubhedha

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUDZIMAI wekuNyamandlovu, kunzvimbo yeUmguza, akazonopotera kudare redzimhosva achida kuti riparadze muchato nemurume wake achiti akandiswa mapfumo pasi nehunhu hwake hwekuitira weti mumagumbeze zuva roga-roga.

Violet Maphosa akaudza dare reBulawayo Customary Court kuti haachakwanisa kuramba achigara nemurume wake wemakore 20, Nkululeko Ndlovu, nekuda kwetsika yake yekuti pose paanodhakwa anoitira weti mumagumbeze.

“Wanano pakati pedu yaparara uye hapana mukana wekuti tichagara tose zvakanaka zvakare nekuda kwezvikonzero zvinotevera:

“Murume wangu chidhakwa uye pose paanonwira doro anoitira weti mumagumbeze, kunyangwe nguva dzakawanda mangwanani asati asvika uye pandinoedza kutaura naye anobva atanga kuita mhirizhonga achindirova.

“Ndaneta nekugara mumba mumwe chete naye zuva nezuva achinyorovesa pamubhedha. Pamusoro pezvo, sevanhu vari muwanano, hatisisina rudo pakati pedu, kuvimbana kana kuremekedzana nekudaro ndinoda kuti tirambane,” rinodaro gwaro raMaphosa rechikumbiro chaakaisa kudare.

Mudzimai uyu anoti tsika yemurume wake yekuitira weti mumagumbeze yave kuita kuti mumba mavo mugare riri gutukutu kunhuwa.

Maphosa, uyo anoda kupihwa kodzero yekuzochengeta vana vavo vatatu kana muchato wavo waparadzwa, anoti anodawo kupihwa zvakare midziyo yemumba uye zvipfuyo vogoveranwa zvakaenzana.

Ndlovu ari kutarisirwa kupa divi rake munyaya iyi pachadzoka vaviri ava mudare munguva pfupi inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>