Oraradza nemari yemendenenzi

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Oraradza nemari yemendenenzi

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena
MURUME wekuDomboshava anoti ari kuoneswa pfumvu nemudzimai wake uyo anouya nehama dzake vachimurwisa pamba pake uye vanoswera vachinwa doro nemari yemendenenzi yaanobhadhara iyo inofanirwa kushandiswa kuchengeta vana.

Robert Tagara akamhan’arira Tarisai Huwa kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.
Tagara anoti Huwa anoswera achinwa doro uye dzimwe nguva anorara asipo pamba.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Tagara gwaro redziviriro ndokukurudzirawo Huwa kuti ashandise zvakanaka mari yemendenenzi yaari kupihwa yekuchengeta mhuri yavo.

“Ishe, mai ava ndatovatadza. Havadzoreke uye vanondituka nekundirwisa zvekusvika pakutora mari muhomwe dzangu nechisimba. Dambudziko ndimukoma wavo anoita zvechipfambi ari kuvafurira kuti vanwe doro senzira yekundikaurisa vachishandisa mari yandinobvisa pamwedzi yekuchengeta vana,” anodaro Tagara.

Anoti vana vake dzimwe nguva vanotomborara nenzara pasina chikafu uye vanosiiwa voga husiku amai vacho vachienda kumafaro.

“Ndikavati ndiratidzei zvamatenga nemari inotoita hondo, vanotonotora murume wemukoma wavo vouya pamba pangu kuzondirwisa. Ndinoda kuti dare rivamise kundishungurudza pamusha pangu.

“Mapurisa epaChinhamhora atoneta nenyaya dzedu uye ndivo vakatoti ndimbouya kuno,” anodaro.
Achipawo divi rake, Huwa anoti murume wake anonyepa uye ari kurwadziwa nekubvisa mari yaakatemerwa nedare.

“Baba ava vanonyepa vari kurwadziwa nemendenenzi chete. Ini handinwe doro asi mukoma wangu ndiye anonwa nokudaro ndinomboenda kunoswera naye tichitandara pabhawa paanenge achinwira nemurume wake,” anodaro Huwa.

Anoti murume wake ane mumwe mudzimai waari kufambidzana naye saka vanogara vachinetsana nekuda kwenyaya iyoyo.

“Murume uyu anoudza mwanasikana wangu kuti uchaita pfambi samai vako uye pandakatengera mumwe wacho shangu akatomuti ari kupfeka mari dzechipfambi saka ini handizvide,” anodaro Huwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>