Orovera amai mafetikuku

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Orovera amai mafetikuku Mafetikuku

Kwayedza

Muhamed Komboni

Mukomana anogara mumusha weDangamvura, maMutare, akamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuzvambaradza amai vake mushure mekunge vatadza kunzwanana nenyaya yemari apo akanga atumwa kunotengesa mafetikuku kana kuti magwinya.

Tafadzwa Mvengi (20) anobvuma mhosva yekurova amai vake, Catherine Yusufu (42), paanomiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrate Court.

Mutongi Gumbo akatongera Mvengi kuti anofondoka pasina muripo kwemaawa 120 paChikowakamwe Primary School chiri muDangamvura makare.

Muchuchisi Perseverance Musukuto anoudza dare kuti nomusi wa19 Ndira gore rino, Mvengi akatumwa naamai vake kunotengesa mafetikuku kumusika weSakubva uri maMutare mekare.

“Rava zuva rovira, Yusufu akapererwa achiona mwana wake achidzoka kumba ari maoko chete, asina mari zvose nemigomo miviri yaakanga aenda nayo akaisira mafetikuku.

“Izvi zvakaita kuti amai nemwana vatadze kunzwanana sezvo Mvengi akatanga kuudza amai vake makobvu nematete pavakamubvunza nezvemari nemigomo iyi.

“Mvengi anonzi akabva akwakukira amai vake ndokutanga kuvarikita kusvika vadonha pasi. Pedzezvo, ndokuzovagara matunduru achivarakasha zvisina mukare akamboona,” anodaro muchuchisi Masukuto.

Baba vaMvengi ndivo vakazomhanya kunokatanura mwanakomana wavo uyo ainge ari mubishi rekurikita amai vake mushure mekunge vanzwa mhere-mhere yaiitwa nevaviri ava.

Mutongi Gumbo akayambirawo Mvenge kuti aremekedze amai vake kwete kurwisana navo.

“Dare riri kukutongera mhosva yemhirizhonga. Uri mwana mudiki kwazvo, unofanira kuremekedza amai vako kwete kushaya rukudzo sezvawakaita izvi. Unofanira kudzidza kuva nehunhu hwakanaka kwete kuita zvinhu zvinonyadzisa kudaro,” anodaro mutongi Gumbo.

Achipawo divi rake mudare, Mvengi anoti haapute zvinodhaka uyezve akazorova amai vake nekuda kwehasha sezvo vakanga vatadza kunzwanana.

“Ichokwadi, ndozvakaitika, doro ndinonwa asi handipute zvinodhaka. Ndakakanganisa mambo wangu,” anodaro Mvengi achiita seachanyunguduka mudare nenyadzi.

Share This:

Sponsored Links