Oshandisa nziyo kurwisa zvinodhaka

06 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Oshandisa nziyo kurwisa zvinodhaka Brymore Ngwarati

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wechidiki wemusambo weJazz ari kusimukira anogara mumusha weEngineering, kuHighfield, muHarare, ari kuita chikamu chake mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevamwe vezera rake kuburikidza nemimhanzi.

Brymore “Rasta B” Ngwarati (23) wechikwata cheMaLegends Music anoti akatanga kuimba mugore ra2020 mushure mekuona dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka zviri kuitwa nevechidiki nevamwe vechikuru.

“Tichingopinda mudambudziko rechirwere cheCovid-19, vechidiki vazhinji vakatanga kutora zvinodhaka zvakapetwa nekugara uko vazhinji vaiva vakaita kudzimba, ini ndakabva ndapindwa nemweya wekuvamba chikwata changu ndichiimba nziyo dzinoshora kutorwa kwezvinodhaka,” anodaro Ngwarati.

Anoti dambarefu rake rekutanga rinonzi VaMnangagwa Chibaba nderekurumbidza mutungamiri wenyika President Mnangagwa nekuda kwemashoko avanogara vachitaura ekukurudzira vechidiki kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Zvakanaka kutora mashoko evakuru ayo ndakashandisa kutsiurawo vechidiki kuti vasatore zvinodhaka,” anodaro.

“Mutungamiri wenyika vanoshora nyaya dzeku’sticker’ nekudhakwa kuri kuita vechidiki vazhinji saka ndiri kutora mashoko avo kuaendesa kuruzhinji kuburikidza nekuridza mumachechi nemumagungano. Ndine maCD andinopa kune vechidiki kuti vazvinzwire.”

Kambo kake kechipiri kanonzi Vechidiki Siyai Mutoriro.

“Apa ndinotaura pamusoro pekuipa kwemutoriro nehunhu hwava kuitwa nevamwe vana hwekuponda nekurova vabereki nekubawo zvinhu pamisha yavanogara vachitengesa,” anodaro Ngwarati.

Mudambarefu rake rekutanga anoti aitendawo Hurumende nebasa guru rekuwanisa vechidiki zvekuita uyewo nekuyambira vabereki kuti vaongorore vana vavo mafambiro avo nguva dzose.

Anoti munziyo dzake anokurudzira vechidiki kuti vashandise maoko avo kuti vawane cheuviri vakwanise kurarama zvakanaka.

Ngwarati anoti vanababa vechidiki vakaregerera vana vavo, upenyu hwavo hunoenda kumawere nekuda kwekutora mutoriro nezvimwe zvinodhaka.

Muimbi uyu akaroora uye ane mwana mumwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey