‘Otorera maiguru achipa mainini’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Otorera maiguru achipa mainini’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MURUME anogara kuEpworth ari kuchema-chema kuti zvinhu zvamuomera zvichitevera kutora kwaakaita mudzimai wechipiri nekudaro anoda kuti vahosi nanyachide vashande vose pabhindauko rekubika chikafu vachitengesa izvo zviri kumutsa bopoto mumhuri yake.

Davision Mudhini akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’ariwa naSlyvia Chitsiga achikumbira gwaro redziviriro.

Chitsiga anoti Mudhini ari kutora mari yaanenge ashanda achinopa mudzimai wake wechipiri.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chitsiga gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu asi haasisina shungu neni. Tine bhindauko redu rekubika.

“Takatenga zvinhu tose asi iye zvino haana zvaanobatsira pabasa iri.

Anotora mari yose yandinenge ndashanda achinopa mumwe mukadzi wake zvekuti ndave kutotadza kuchengeta vana vedu.

“Dai dare ramurambidza kuuya kuzonditorera mari,” anodaro Chitsiga.

Anoti haana dambudziko nekushanda nemurume wake asi haadi kuti mumwe mukadzi auye pabhindauko ravo.

“Kana ivo vachida kushanda, ngavashande havo asi mukadzi wavo handidi kumuona.

“Ngaarambe ari kwaanoita mapart-time ake.

“Isusu takapanana zvekuita, ini ndinobika sadza ivo vanoita zvemupunga. Asi ivo vave kutora mari yacho kuti ndisare ndisina,” anodaro.

Mudhini anoti haapokane nechikumbiro chemudzimai wake asi kuti ari kuda kuti vakadzi vake vose naiye vashande semhuri.

“Handipokane nechikumbiro chavo, handina dambudziko nekuregera kuvarova kana kuvatuka nekuti basa iri nderedu tose.

Mari inofanira kuva yedu tose.

Tinofanira kushanda tichibatsirana semhuri.

“Izvozvi mari handisi kuiwana nekuti ndava nemumwe mudzimai,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links