‘Pfumvudza yadzinga nzara’

01 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
‘Pfumvudza yadzinga nzara’ VaTakemore Piyano vari mumunda wavo wavakachera makomba pasi pechirongwa chePfumvudza. - Mufananidzo naKingstone Mapupu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wekwaMambo Chiswiti kuMukumbura, kuMt Darwin, anorumbidza Hurumende nechirongwa chePfumvudza icho chiri kubatsira varimi zvakanyanya nezvekushandisa zvichiita kuti vasimukire mumabasa avo pamwe nekuti nyika ive nemaguta.

VaTakemore Piyano (42) vekwaSabhuku Chimusisi kudunhu raMambo Chiswiti mumwe wevarimi vari kubuda pachena kuti vapunduka nekuda kwePfumvudza.

Murimi uyu, uyo anoshanda nemudzimai wake nemhuri, anoti vasvitsa makore matatu vachirima nechirongwa chePfumvudza izvo zvaona vachidzinga nzara mumba mavo uyewo vana vari kuenda kuchikoro zvakanaka.

“Kubva pakavamba chirongwa chePfumvudza icho chinotungamirirwa naPresident Mnangagwa, ndinopihwa zvekurimisa nenguva. Ndakatochera makomba kare uye svondo rino kana rinouya tiri kudyara chibage chekutanga.

“Nzira yekurima iyi inochengetedza mvura zvirimwa zvichiwana manyowa anokwanirana sezvo tichisanganisa fetireza nemanyowa,” vanodaro VaPiyano.

Vanoti vakashandisa mukana wemvura zhinji yakanaya nguva yadarika kupedzisa kuchera makomba ePfumvudza vachibva vaisa manyowa.

“Ndinokohwa chibage tani zvichienda mberi zvisinei nekuti kuno kuMukumbura hakunaye mvura yakawanda. Ndinokurudzira vamwe vasati vapinda muchirongwa ichi kuti vari kusarira kumashure sezvo hatichaziva chinonzi nzara mumba medu,” vanodaro VaPiyano.

Vanoti mhuri yavo inowana kudya kunokwanirana uyewo vachiwana mari yekubhadhara chikoro chevana kubva mukutengesa chibage.

Hurumende ine chinangwa chekubatsira mhuri dzinosvika 3,5 miriyoni pasi pechirongwa ichi mwaka uno.

Second Republic, iyo iri kutungamirirwa naPresident Mnangagwa, yakauya nePfumvudza/Intwasa makore mashoma adarika senzira yekuti nyika iwane goho rakakwana apo mvura isiri kunaya zvakaringana zvichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kuri kuona mvura ichinaya yakawandisa kana kushomeka mumwaka yakasiyana.

Chirongwa chePfumvudza chabatsira nyika ino kuti iwane chikafu chinokwanirana mumwaka mitatu yadarika uye panguva imwe chete chichisimudzira raramo yevarimi avo vave kutora kurima sebhizimisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>