Rambana nemusikana uyu: Dare

07 Apr, 2023 - 06:04 0 Views
Rambana nemusikana uyu: Dare Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUKOMANA wemuHarare wekuzvuzvurudzira mumwe musharukwa kudare achiti anoda kuti asiyane nemusikana wake pamwe nekurega kumuridzira nhare abvunzwa nedare kuti chii chaari kuvavarira pamusikana uyu uye kuti ndiye oga munyika here.

Sign T Phiri aendesa Takudzwa Innocent Nyikadzino kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuda kwenyaya yemusikana wake.

“Musikana uyu akauya kwandiri achiti nditsvakireiwo basa remumba saka pakuzoda kuti ndichimupe mhinduro nharembozha yakadairwa nemukomana wake uyo akabva atanga kundituka kuti chii chandaida pamusikana wake zvinove zvakandirwadza nekuti ndaida kumubatsira,” anodaro Phiri.

Nyikadzino anotiwo musikana wake akamuudza zvose zvakataurwa naPhiri achimupfimba.

“Sekuru ava vakaramba vachichaira musikana wangu nhare vachimuvimbisa rudo, ndakasvika pakutora nhare yemusikana wangu. Saka pese pavaichaya nhare iyi vakanzwa izwi rangu, vaibva vati ‘wrong number’ sezvo vachitengesera panzvimbo imwe chete nemusikana uyu.

“Vakasvika pakuumudza kuti mukomana wako ane mudzimai kuDomboshava, ndipo ndakakachizoenda pabasa pavo kunobvunza kuti sei vanga vari kudaro nekuti handitozivani navo,” anodaro

Mutongi Tamara Chibindi vabvunza Nyikadzino kuti chii chaari kunyanya kuvavarira pamusikana uyu.

“Uri kundiudza here kuti ndiye oga musikana munyika muno? Uchasvika rinhi uchingoudza varume vose kuti siyanayi nemusikana wangu iye achida zvake kuramba achitaura nemurume uyu? Siyana nemusikana uyu utsvage mumwe. Sei ari kuramba achitaura nemurume uyu!” vanodaro.

“Imimi baba imi akakuudzai kuti munofanira kutsvagira vanhu mabasa ndiyani? Mune simba ripi rekutsvagira vanhu mabasa? Sei muri kuramba muchichaira nhare musikana uyu imi makanzi musadaro? Mubva maregedza hunhu ihwohwo, zvivai zveupenyu hwenyu.”

Mutongi Chibindi vakapa Phiri gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links