‘Rimai mbesa diki’

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘Rimai mbesa diki’ Varimi vari kumatunhu anonaya mvura shoma akadai seRushinga nekuMt Darwin vokurudzirwa kuti varime mbesa diki dzinosanganisira mapfunde idzo dzinoshingirira muzuva uye dzichipa goho guru.

Kwayedza

Lawrence Chitumba
HURUMENDE yokurudzira varimi vari kumatunhu anonaya mvura shoma – ayo anosanganisira Rushinga, Mt Darwin, Mwenezi neChiredzi – kuti varime mbesa diki nechinangwa chekupedza dambudziko rekushomeka kwechikafu uyewo nekupedza katsika kekugara vanhu vachipemha zvekudya.

Izvi zvinotevera kusanaya zvakanaka kwakaita mvura mwaka uno zvakonzera kukanganisika kwezvirimwa izvo zvave kuita kuti vanhu vatsvage rubatsiro rwezvekudya kuHurumende kana mamwe masangano akazvimirira.

Vachitaura pagungano revarimi vezvirimwa zvidiki rakaitirwa kuWard 3 kwaSabhuku Gomo, kuMukumbura munguva pfupi yakadarika, Agritex director – VaBernard Mache – vanoti Hurumende yakawedzera mutengo wezvirimwa izvi senzira yekusimudzira kurimwa kwazvo.

“Kusanduka kwemamiriro ekunze kwakonzera kusanaya kwemvura zvakanaka nekupisa kwekunze izvowo zvatadzisa kurimwa kwezvirimwa zvakaita sechibage zvakanaka.

“Nekuda kweizvozvo, Hurumende iri kukurudzira kurimwa kwezvirimwa zvidiki zvakaita secow peas chinova chirimwa chinoshingirira muzuva senzira yekurwisana nekushomeka kwekudya kunzvimbo dzakaita seRushinga, Mt Darwin, Mwenezi nekuChiredzi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hurumende yakabatana nesangano reWorld Food Programme kuitira kusimbisa kurimwa kwembesa diki kunzvimbo dzisinganaye mvura zvakanaka vachitangira kuRushinga, Chiredzi, Mwenezi uye iye zvino nekuMt Darwin kuitira kuti vanhu vakwanise kuzvirimira kudya kunovakwanira kuti vasaite tsika yekugara vachikumbira nekubatsirwa,”

VaMache vanoti Hurumende iri kusimbaradza chirongwa chekupa dzidziso kuvarimi senzira yekuvandudza marimiro echizvino-zvino kuti vave negoho guru.

“Ngatishandisei nzira dzechizvino-zvino pakurima panguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze kuti tigowana goho guru uyewo nekuti tigochengetedza  mari yekunze inoshandiswa pakutenga chikafu kunze kwenyika,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano rimwechete iri, VaRichard Chipfuva – avo vakafanobata chigaro chaprovincial adminstrator kuMashonaland Central – vanoti pave nekusimukira zvikuru pakurimwa kwezvirimwa zvidiki kuMt Darwin mumakore mashoma adarika.

Vanoti vanokurudzira vechidiki kuti vatungamire munyaya dzekushandisa nzira dzekurima dzechizvino-zvino nedonzvo rekupedza kushomeka kwezvekudya uye kuti vatore kurima sebhizimisi rinopa mari yakawanda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>