Rimai mbesa diki

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Rimai mbesa diki VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kuvakurudzira kuti varime mbesa diki dzinokurumidza kuibva mwaka uno senzira yekurwisana nekusanduka kwemamiriro ekunze uyewo nekuti vakohwe pakuru nyika yoita maguta.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vachiti varimi havafanirwe kurima chibage chete asi dzimwe mbesa diki dzakadai senzungu, nyimo, mapfunde, mhunga nezviyo.

“Mwaka yedu iri kuramba ichisanduka nguva nenguva nekuda kwemamiriro ekunze ari kusanduka. Saka ikurudziro yedu kuti tirime zvimwe zvirimwa zvidiki zvakaita senyimo, zviyo nemapfunde izvo tinoziva kuti zvinokurumidza kusvika kunyangwe mvura yedu ikaita shoma. Zvakakosha kurima mbesa dzinoshingirira muzuva dzakadai semapfunde, mhunga nezviyo nokuti chokwadi tikadaro hatimbofa nenzara, tinoyambuka chete,” vanodaro.

VaZakariya vanoti zvirimwa zvidiki izvi zvinofanirwawo kurimwa pamusoro pezvimwe zvinosanganisira chibage.

“Bhinzi nenyemba zvirimwa zvinokurumidza kusvika uye  zvisinganetsi kurima asi tiona varimi vedu vazhinji havadi kuzvirima. Kana maringazuva chaiwo chirimwa chinobatsira zvikuru murimi kusvika padanho guru sezvo tichikwanisa kuzogaya makireshi ezvipfuyo zvedu zvakaita sehuku, mbudzi, makwai nemombe tochengetedza mari yedu pane kunotenga kuzvitoro,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha zvikuru kuti murimi akavanise mbesa dzinokurumidza kuibva nedzinonoka sezvo zvichizomupa mukana wekukohwa zvakanaka.

“Hakuna chirimwa chinonzi hachina basa kumurimi kubvira kune zvemumapindu zvakaita semuriwo angava matomatisi kana derere chairo. Saka tinoti ngatirimei zvirimwa zvidiki tinoyambuka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze topfuyawo zvipfuyo zvose muzvivanze zvedu,” vanodaro.

VaZakariya vanoti murimi mubasa rake rose anofanirwa kushanda nevarimisi uye kugara achinzwa mamiriro ekunze kuti agova negadziriro izere yemwaka.

“Kana usina ruzivo nekumira kwakaita mwaka unogona kumhanya kunotenga mbeu dzisidzo dzisingafambirane nenzvimbo yaunorima uri uyewo zvakakosha kupota tichinoita kuti ivhu redu riongororwe nguva nenguva nanamazvikokota,” vanodaro.

VaZakariya vanoti kune avo vanoita zvemadiridziro, vanofanirwa kushandisa mvura yavo nehungwaru.

“Tine migodhi, zvimadhamu zvedu zvidiki nezvibhorani saka ngatishandisei mvura iyi kudiridzira nenzira dzisingatore mvura yakawanda dzedrip irrigation. Izvozvi tingadai tiine zvimwe zvirima zvidiki zvave kutoibva zvakaita senzungu dzemuchirimo kana mavise chaiwo nezvimwe. Murimi haafanirwe kuzorora sezvinofungwa nevamwe,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>