Rimai mbeu dzinowirirana nekwamuri

11 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Rimai mbeu dzinowirirana nekwamuri Mhunga

Kwayedza

naNester Gumbo naBlessing Mudaniso

MWAKA uno wa 2022/2023, Hurumende iri kupa varimi vanokwana 3,5 miriyoni zvikwanisiro zvekuti varime ndima dzavo dzePfumvudza.

Mamiriyoni matatu varimi vekumaruwa veA1 uye vane minda mirefu (old resettlemt). Chidimu chemiriyoni (500 000) varimi vari mumaguta nevakapoteredza maguta.

Zvikwanisiro zvichapiwa varimi zvinosanganisira mbeu, fetiraiza yepasi neyepamusoro, mushonga werukonye nemushonga unochengetedza hunyoro muvhu unonzi hydrogel.

Kuti varimi vawane zvikwanisiro izvi, vanofanira kunyoresa kuvarimisi vari munharaunda dzavo.
Hurumende iri kukurudzira kuti varimi vanyorese uye kuti vawane dzidziso kubva kuvarimisi. Zviviri izvi ndihwo hwaro muchirongwa chePfumvudza.

Mwaka uno, varimi muri kukurudzirwa kurima mbeu dzinoenderana nemamiriro enzvimbo yamunogara takatarisana nemanairo emvura uye nekupisa kunoita nzvimbo idzodzo. Nyika yedu yakapatsanurwa-patsanurwa zvichienderana nemanairo anoita mvura atinoti maAgro Ecological Zones.

Chakakosha varimi ndechekuti muzive kuti muri muzoni ipi. Kana maziva muzoni mamuri mochiziva mbeu dzamunofanira kurima. Mbeu dzatiri kuwana mwaka uno dzinosanganisira yechibage, mapfunde/mashava, mhunga, maringazuva, nzungu, nyemba nebhinzi. Hurumende iri kupa mbeu yezvidima zvishanu asi varimi munobvumirwa kuita zvindima zvinoraudzira.

Hurumende iri kukurudzira varimi kuti varime mbeu dzinoenderana nekwavanogara, ndiko kuti tiwane goho guru. Kuvarimi vari mumazoni 1 ne2, munotarisirwa kurima mbeu dzinoda mvura yakawanda kuti dziibve uyewo mbeu dzinoda mwaka wakareba.

Nekudaro, munotarisirwa kuita ndima nhatu dzePfumvudza dzamunorima chibage, dzimwe ndima mbiri morima zvamunoda kubva pambeu dzamuri kupiwa.

Mapfunde

Asi, tinokurudzira kuti tirime maringazuva nebhinzi. Hurumende iri kuisa hoko pamaringazuva mwaka uno saka murimi wose anokurudzirwa kuita ndima yemaringazuva. Pazviminda zvishanu zvatataura, haano marimiro amunotarisirwa kuita munzvimbo dzakasiyana:
Agro-ecological zone 1 ne2:
· Zvindima zvitatu zvechibage
· Chindima chemaringazuva
· Chindima chebhinzi kana imwe mbeu yamunoda

Agro-ecological zone 3:
· Zvindima zviviri zvechibage
· Chindima chemaringazuva
· Chindima chemapfunde
· Chindima chenzungu kana imwe mbeu yamunoda kubva pane dzamuri kupiwa neHurumende

· Agroecological zone 4 ne5:
· Chindima chimwe chete chechibage
· Chindima chemaringazuva
· Zvindima zviviri zvemapfunde kana mhunga
· Chindima chenzungu kana nyemba kana chimwe chezvirimwa zviri muchirongwa
Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma uye akubaira zani ndewako. Varimi ngatiregerei kugwinya nekurima chibage chakawanda kunzvimbo isinganyatsoita chibage.

Takatarisana nezoni 4 ne5, kunonaya mvura shoma uye mwaka yeko mipfupi nekudaro tinofanira kurima mbeu dzetsanga diki dzinosanganisira mhunga, rukweza, mapfunde nenyemba.
Chibage tinongorima kandima kamwe chete asi tocherechedza kuti torima mbeu dzinokurumidza kuibva. Varimisi vanokurudzirwa kuita sarudzo iyi.

Mbeu dzetsanga diki dzinoshivirira muzuva uye dzinokurumidza kuibva. Kunyangwe mvura ikaita shoma, tinokohwa chete.

Share This:

Sponsored Links