Rimai zvine hungwaru: ZFU

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Rimai zvine hungwaru: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti zvakakosha kuti varimi varime zvine hungwaru mbesa dzinotirira muzuva zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze uko kuri kokonzera kuti mvura inaye iri shoma kana kuti yakawandisa.

ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti kunze kwechibage, varimi vanofanirwa kurimawo mbesa dzakadai sembambaira nemifarinya izvo zvisingade mvura yakawanda.

“Varimisi vedu neveHurumende vari kugara vachidzidzisa varimi nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zvava kuita kuti kuve nemvura yemafashamu inoparadza zvirimwa nezvivakwa uyewo nekusanayawo kwemvura zvakanaka. Inyaya yatave kuziva saka hatigarei takagadzirira zviri kuitika izvi torima zvimwe zvirimwa zvatinogona kukavanisa nezvatakarima kare,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kune zvirimwa zvichine mikana yekuti varimi vadyare vachidiridza nemvura shoma zvakaita sembambaira, manhanga nemuriwo uyo unorimwa gore rose.

“Mvura yakanaya iyi ngatishandisei kurima zvimwe zvatinoona kuti zvinokwanisa kusvika kana tikazvirima. Tine matsime edu ane mvura shoma iwayo nezvidhamu zvedu zvidiki nezvibhorani, ngatirimei mbambaira todiridza kuti dzibate zvikangodaro tinoziva kuti dzinokura dzigosvika sezvo dzisingade mvura yakawanda,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti mbambaira dzinodyiwa vana vacho pamwechete nemashizha anoitwa muriwo.

“Pamusoro pazvo, tinoti varimi ngavadyare mifariny’a iyo inobatsirawo pakunwisa svutugadzike pamwechete nekuitawo muriwo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mvura yakambouya ikanaya ikazoenda apo yakazononoka kudzoka zvirimwa zvamera zvizhinji zvikatsva zvimwe zvikazorarama mvura yadzoka.

“Saka tinoti murimi haaramwe, ngatidyarei zvimwe zvirimwa tichishanda nevarimisi vedu.”

VaZakariya vanoti varimi vanogona kurimawo dzimwe mbesa dzinopa mari nekuchimbidza dzinosanganisira derere.

“Iko zvino muriwo hakuna wakawanda uri kudhura zvikuru mushoma saka tikarima mhando dzemuriwo wakawanda, matomatisi edu nederere patinosvitsa mwedzi mitatu tinenge tave kutoda kutengesa,” vanodaro.

“Manhanga chaiwo anobatsira kupedza nzara mudzimba dzedu nekutiwanirawo mari kuburikidza nekutengesa. Tine dzimwe nyika dzinorarama  nekurima zvirimwa zvidiki chete.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>