‘Sarudza chaunoda kubaiwa nebanga kana kutemwa’

30 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
‘Sarudza chaunoda kubaiwa nebanga kana kutemwa’ Dare

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME ane makore 27 okuberekwa wekuFilabusi anonzi akakava ambuya vake vemakore 84 muviri wose, ndokuzovatema nechidhinha kakawanda mumusoro nemuviri zvakare, achivapomera kuti ndivo vari kukonzera hurombo hwake kuburikidza nekumuroya.

Izvi zvinonzi zvakaitika mubhuku raNtuthuko kunzvimbo yeSilalatshani, kwaMambo Sibasa.
Elton Ndlovu (27), uyo anonzi aifemera pamusoro nehasha, akaenda kumba kwambuya vake – Lathi Sibanda – ndokuvawana vachibika chikafu chemanheru.

Anonzi akavabvunza kuti vasarudze chavanoda pakati pekubaiwa nebanga nekutemwa nezvidhinha.
Ambuya ava vakamubvunza kuti sei aidaro ndokubva avaudza kuti vari kumuroya izvo zviri kukonzera kuti ararame upenyu hwehurombo.

Ndlovu anonzi akabva audza ambuya vake kuti aida kupedzisa upenyu hwavo ndokutanga kuvakava muviri wavo wose uye nekuvarova nezvibhakera.

Akazotora chidhinha ndokuvatema nacho kakawanda mumusoro nemuviri apo aitaura kuti anoda kuuraya muroyi ari kukonzera matambudziko munharaunda yaanogara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>