Seed Co yotsigira Pfumvudza

12 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Seed Co yotsigira Pfumvudza Varimi Baba naMai Rusere vekuChishiri, kwaRusike, kuGoromonzi vachitsanangurira vanhu mashandire avakaita ndima yavo yePfumvudza.

Kwayedza

Kazembe Maocha

MUSI wa7 Gumiguru, varimi vekwaRusike, kuGoromonzi vakaungana pachikoro cheRusike Primary School apo paiparurwa kupihwa kwembeu nemafetireza (inputs) pasi pechirongwa chePfumvudza.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, Honourable Douglas Karoro vakapa varimi mbeu nemafetireza. Pasi pechirongwa ichi, murimi anotarisirwa kuwana mbeu yechibage kana mapfunde inoita ma2kg mairi kuitira ndima mbiri dzichaiswa mbeu dzemagrain, ndima yechitatu ichizoiswa mbeu dzemafuta soya beans kana sunflower.

Honourable Karoro vakasimbisa nyaya yekuti mbeu nemafetireza zvichapihwa kuvanhu vanenge vapedza kuchera makomba anodiwa. Uyu ndiwo murawo wakapihwa kuitira kuti goho remurimi rigosimuka zvichizomugutsa pamwe chete nenyika.

Murimisi veSeed Co akapihwa mukana wekutaura nevarimi, ndokuvakurudzira kuti vaite zvose zvinodiwa pachirongwa chePfumvudza vaine chinangwa chekuti goho ravo risimuke. Kambani yeSeed Co inofara nekuti hunaku hwembeu dzayo hwave kuzoburitswa pachena nenzira yekurima kwakanaka uku.

Vakataura nezvembeu dzinokurudzirwa mudunhu reRusike nenzvimbo dzakapoteredza idzo dziri munatural region 2a. Mbeu idzi ndedzinoti Nzou SC 727 neSC 719 uye chikwata cheShumba apo vakataura nezvembeu dzinoti SC 659 (itsva) iyo ine goho rinovavarira kuenzana nereNzou rematani 18 pahekita, neSC 649.

Mbeu idzi dzose dzinoshingirira muzuva.

VaMunamati (kubva kuruboshwe), mutevedzeri wegurukota rekurima VaDouglas Karoro naVaMaocha veSeed Co vakateerera murimi achitsanangura mashandire aakaita.

Dzava nehuchenjeri pakusanduka kwemamiriro ekunze (climate smart).

Pakarepo varimi vakabva vapa chichemo kuHurumende kuti vagone kuva nesarudzo yembeu dzavanoda sezvo ivo vachiziva mbeu dzinopa goho repamusoro. Vakadoma SC 727 vakatokumbira kuti murimisi veSeed Co ape VaChakanya yakawanda kuti vazoitengera pedyo.

Mumiririri weSeed Co munzvimbo iyi, VaMaocha vakabva vazivisa nzvimbo dzevakasarudzwa kutengesa mbeu dzeSeed Co mudunhu iri vanoti VaChakanya, murimisi wenzvimbo iyi, pamwe chete neMoyo Hardware inowanikwa paMajuru growth point.

Pakazoshanyirwawo varimi vaviri vemunzvimbo umu vakange vatochera makomba avo nechekare, VaRusere naMai Letwin Matabvu. Honourable Karoro vakazivisa kuti varimi vaizopihwa lime yakange yaperevedza pakapihwa mafetireza nembeu mwaka usati watanga.

Varimi vakashanyirwa vakabva vapihwa mbeu itsva yeShumba SC 659 kubva kuSeed Co kuti varatidzire paminda yavo. Murimisi mukuru mudunhu reMashonaland East, VaMunamati, murimisi mukuru weDistrict VaGuti nevarimisi vemaRusike, VaChakanya naMai Muswere vakatsigira chirongwa ichi.

Dzimwe nzvimbo dziri kuwanikwa mbeu yeSeed Co muGoromonzi nemutengo mumwe chete dzinoti paDomboshawa Showground muzvitoro zvinoti Farmers’ Hub, Gain Cash & Carry neProfeeds. PaBhora pane zvitoro zvinoti Gonzalo Hardware, Almas Hardware, Nortic pamwe naAnchor farmer Allen Madushwa kubhuku rekwaNhau, ward 11.

PaMajuru pane Moyo Hardware uye kwaRusike kuna Chakanya.

. Kazembe Maocha murimisi weSeed Co uye anobatika panhare dzinoti 0772632866 kana 0782722407

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>