Sei usiri kufa nhaiwe?

05 Mar, 2020 - 10:03 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

Murume harahwa anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kumupumha huroyi achiti sei isiri kufa sezvo vamwe vezera rake vakapera kufa.

Nicholas Gumbo akam- han’arira Christine Kamudzimu kuHarare Civil Court achiti ane tsika yekutumira vanhu kuti vamutyisidzire uye vamwe vacho vanotumira mashoko panhare yake vachimutuka.

Mutongi Gladis Moyo akapa Gumbo gwaro rinomuchenget- edza. “Musikana uyu anondi- tukira kushaya mazino kwangu, handizive kuti kuchembera imhosva here yekubva watonzi uri muroyi nekuti hausi kufa.

“Zviri kundirwadza zvisin- gaite zvekuti handichakwanisa kuenda kana kusvondo kwan- dinopinda nekuti handichazive kuti vanhu vanofungei kana vachindiona,” anodaro Gumbo.

Anoti Kamudzimu ari kuedza

nepose paanogona kusvibisa zita rake sezvo vamwe vanhu vemunharaunda vave kutotenda kumashoko aari kushambadza pamusoro pake.

“Pekutanga ndakambofunga kuti kuda akadhakwa, asi katove

katatu achishevedzera mashoko asina kunaka pose pandinop- fuura nenzira iri pedyo nepamba pavo,” anodaro.

Kamudzimu haana kuenda kudare kunopawo divi rake panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>