Shandisa mvura iri kunaya – ZFU

13 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Shandisa mvura iri kunaya – ZFU VaPaul Zacharia

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kushandisa mvura iri kunaya pari zvino kune dzimwe nzvimbo dzenyika kudzura nzungu nenyimo muminda nekuvandudzawo mamwe mabasa avo sekurima mumapindu.

Kubva mukupera kwesvondo radarika kusvika izvozvi, mvura iri kunaya kumatunhu akasiyana eZimbabwe.

VaPaul Zakariya, avo vanova munyori mukuru kuZFU, vanoti kune varimi vazhinji vaitambura kuti vodzura sei nzungu dzavo nekukohwa nyimo avo vanofanirwa kutora mukana wemvura iri kunaya iyi.

“Mvura iri kunaya iyi haisi yekuyeva sezvo tiine zvirimwa muminda zvinosanganisira nzungu. Vamwe vachine minda ine nyimo dzisati dzakohwewa saka inguva yekuti tishandise hunyoro hwevhu nekunaya kuri kuita mvura tidzure nzungu nenyimo pasina kunetseka,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nzungu dzedu dzatakarima muminda inevhu rejecha dzinodzurika zviri nyore koita dzatakarima muvhu rechidhaka dzinonetsa kudzura nekudaro kana ivhu rakanyorova zvinoita nyore saka tichiti ngatishandisei hunyoro hwakaunzwa nemvura iri kunaya iyi.”

Vanoti nekuoma kwaiva kwaita kunze nekusanaya kwemvura kwakanaka munyika, minda yanga yaomawo zvekuti nzungu nenyimo zvainetsa kukohwa.

VaZakariya vanoti nguva ino zvakare yakakodzera kukohwa zvimwe zvirimwa sechibage kana chaoma kuitira kuti varimi vazokwanisa kupindura minda yavo vachigadzirira kurima kwemwaka wemuchando.

“Mimwe minda yedu zvirimwa hazvina kuita zvakanaka nekudaro imwe nguva kungotema mashanga togadzira compost inodiridzirwa nemvura iri kunaya iyi. Mamwe mashanga tinotema tounganidza tichigadzira kudya kwemombe nezvimwe zvipfuyo. Saka mvura iyi ngatiishandisei zvizere torima zvakare kumapindu,” vanodaro VaZakariya.

Vanoyambira varimi kuti vangwarire kuti mvura imwe chete iyi inogona kuworesa zvirimwa zvakaita sechibage nezvimwe zviri muminda.

“Tine zvimwe zvirimwa zviri muminda zvakaita sechibage zvinogona kuworeswa nemvura iyi. Saka tinofanirwa kushanda nevarimisi vedu nguva dzose topihwa mazano ekuita, tichitema zvimwe zvirimwa zvakaita sechibage kuisa mumatumba,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links