Shandisai ivhu nemazvo: Mambo

28 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Shandisai ivhu  nemazvo: Mambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Ngezi vekudunhu reMhondoro vari kutungamirira nemucherechedzo wakanaka panyaya dzekurima vachishandisa madiridziro uye vanokurudzira varimi vakapihwa minda pasi pechirongwa cheHurumende chekugarisa vanhu patsva kuti vashandise ivhu iri zvizere kuti nyika ive nemaguta.
VaPeter Pasipamire vanova Mambo Ngezi vanokurudzira varimi kuti vashandise madiridziro kunzvimbo dzemapurazi dzavakagariswa patsva.

Mambo ava vakawanawo purazi kuChegutu pasi pechirongwa cheHurumende ichi.
Vanoti kune madhamu maduku nemakuru uye zvibhorani munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva izvo varimi vanofanirwa kushandisa zvizere. “Hondo yakarwiwa yakasunungura nyika ino chinangwa chikuru chiri chekuti ivhu ridzokere kuvaridzi varo, isu madzimambo neruzhinji sezvakaitika. Saka ndinoti ngatishandisei nzira dzose dzekurima dzinoita kuti nyika igute zvakaita sedanho rakatorwa nemutungamiri wenyika (President Mnangagwa) muchirongwa chePfumvudza uye toshandisawo mvura iri mumadhamu makuru nemadiki atinawo nezvibhorani tichirima gore rose,” vanodaro Mambo Ngezi.

Vanoti papurazi ravo vanoshandisa mvura yemadiridziro iyo vanodhonza kubva muzvibhorani.
“Pano pamusha ndine mahekita gumi nemana uye ndinorima ndichiita zvekudiridzira mbesa dzakasiyana. Mwaka wadarika takapindawo muchirongwa chePfumvudza tikakohwa pakuru,” vanodaro Mambo Ngezi.

Mambo ava vakarima chibage chemadiridziro pamahekita maviri uye chimwe vakatopedza kutengesa chiri chinyoro chavakarima mumwedzi waChivabvu.

“Kunze kwepano pamusha, ndine purazi muno muChegutu kwandinorima zvakare nekuchengeta zvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi, makwai, huku nezvimwe,” vanodaro Mambo Ngezi.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoshanda nemasangano anoona nezvekurima nevarimisi vedu, kungava kumaruwa kana kumapurazi.”

Vanoti mubasa rekurima iri vanobatsirwa naVaPaul Mushonga (38) nevamwe.

Share This:

Sponsored Links