Shandisai Pfumvudza nemazvo – Mambo Ngezi

20 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Shandisai Pfumvudza nemazvo – Mambo Ngezi Munda wePfumvudza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Ngezi, VaPeter Pasipamire vekuMhondoro, vanoti vakaumba chikwata chevanhu vari kufamba mudunhu ravo vachiongorora varimi vari kupihwa zvekurimisa pasi pechirongwa chePfumvudza neHurumende kuti hapana here vari kuita hundururani hwekuzvitengesa nekuti katsika kakadai kanodzorera kumashure mabasa ekurima munyika.

Vanoti vakatora danho iri sezvo makore akadarika vaimbonzwa runyerekupe rwevamwe varimi vanonzi vanoguma vave kutengesa mbeu, mafetireza nezvimwe zvavanopihwa neHurumende.

“Hurumende, kuburikidza nemutungamiri wenyika President Mnangagwa, yakavamba chirongwa chePfumvudza icho chiri kusimudzira mabasa ekurima munyika yose. Ini samambo ndiri kutsigira chirongwa ichi nekusunga vose varimi vatinowana vachinzi vakatengesa fetireza nembeu zvavanopihwa,” vanodaro Mambo Ngezi.

Vanoti muchirongwa ichi, vari kushanda nevarimisi, masabhuku nevamwe vakuru muzvikamu zvine chekuita nekurima muHurumende.

“Ibasa redu semadzishe kutsigira zvirongwa zveHurumende, kusanganisawo naicho chePfumvudza chaita mukurumbira wekudzinga nzara mudzimba dzedu nekutiwanisa mari sevarimi. Saka tichabatsira kuongorora mafambiro ari kuita mafetireza nembeu muruzhinji nekuti tinozonzwa kuti imwe yatengeswa. Mashoko angu makuru kuvarimi ndeekuti anowanikwa achinzi atengesa zvinhu izvi anotumirwa samanisi ouya kudare tomutonga.

Mambo Ngezi
Mambo Ngezi

“Tikamubata nemhosva yekuti akatengesa zvinhu zvePfumvudza, tinomupa chirango chekuripa mbudzi ina kana US$200 uye toendesa zita rake kune vanopa zvePfumvudza votorawo matanho avo,” vanodaro mambo ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Muhurongwa hwedu hatizi kusiya mapurisa nekuti tinoshanda navo mumisha vemaNeighbourhood Watch Committees uyewo nevakuru vemakamba eZRP edu ose emuno muNgezi. Tinoda kuva pamusoro munyaya dzekurima nekuda kwechirongwa chePfumvudza saka ngatishandesei mbeu, mafetireza nemishonga zvatinopihwa zvine hungwaru.”

Vanotendawo varimisi vemudunhu ravo nekushanda nesimba, vachiti minda mizhinji yakatopera kucherwa makomba ePfumvudza ikatoiswa manyowa nekuwarikwa mashanga.

Share This:

Sponsored Links