‘Shandisai zvipfuyo sezvibatiso muwane zvikwereti’

05 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
‘Shandisai zvipfuyo sezvibatiso muwane zvikwereti’ Mombe dzichidhibha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vanokurudzirwa kuti vashandise zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mombe nembudzi sezvibatiso zvekuti vakwanise kupihwa mari dzezvikwereti zvekusimudzira mabasa avo kumabhanga.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaKennedy Uzande (40), avo vanova consultant mukambani inoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo nekupanga mazano kuvarimi, yeMAX Uzande Consultancy.

Vanoti varimi vanofanirwa kutora mukana wakaunzwa nemabhanga wekuti vanogona kushandisa zvipfuyo zvavo sezvibatiso pakutora zvikwereti.

“Mombe dzedu dzatinadzo kumatanga kwedu, kunyangwe dzehumai chaidzo, ugona kudziita chibatiso kubhanga kuti upihwe chikwereti. Pamusoro pezvo, zvimwewo zvipfuyo zvakaita sembudzi zvinokwanisawo kushandiswa sezvibatiso.

“Chinodiwa kutanga varimi vatorera zvipfuyo zvavo inonzi Livestock Insurance takanangana nezvirwere nedzimwe njodzi dzinogona kuwira zvipfuyo,” vanodaro VaUzande.

Vanopa muenzaniso wedambudziko redutumupengo reCyclone Idai iro rakauraya zvipfuyo pamwe chete nevanhu makore adarika vachiti pakadai ndipo panodiwa inishuwarenzi yezvipfuyo.

VaKennedy Uzande

“Zvipfuyo zvakadai semombe zvikatorerwa inishuwarenzi tinoisa atinoti ma’tags’ kana kuti mhete munzeve serupawo rwekuti dzizivikanwe kuti ndedza nhingi. Saka murimi akaenda kumabhanga achida kutora chikwereti, anoburitsa inishuwarenzi yemombe dzake nemakadhi ekudhibhi kana matsamba embudzi dzake nezvimwewo zvipfuyo vemabhanga vozoenda kunoona mombe idzi dziine rupawo rwemhete, obva apihwa chikwereti,” vanodaro.

Vanoyambirawo varimi kuti vadhibhise mombe dzavo nguva dzose kuitira kudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe.

“Sevarimi vemombe nezvimwe zvipfuyo, ngatishandei nenyanzvi dzakaita sevebazi reDepartment of Veterinary Services (DVS), varimisi, nevamwe.”

VaUzande vanoti kambani yavo inoshandawo nemapurisa neveruzhinji muchirongwa chekurwisa kubiwa kwezvipfuyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>