Shwaudza mukanwa nematemba

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Shwaudza mukanwa nematemba Matemba

Kwayedza

HUSAVI hwematemba hwakakosha zvikuru sezvo mahuri muchiwanikwa kudya kunodiwa nemuviri seiron neVitamin D uye hunogona kugara kwenguva refu sezvo hove idzi dzisinei nekuchengeterwa mufiriji.

Svondo rino tiri kukaringirwa matemba akaomeswa naJosphine Nhau wekuWedza.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, hanyanisi, madomasi, munyu, mafuta, chipunu nematemba akaomeswa.

Mabikiro:

Tora matemba woanyika mumvura inopisa kwemaminitsi gumi.

Chekerera hanyanisi nemadomasi zvakanaka wogadza pamoto.

Isa mafuta uye kana apisa wotora hanyanisi nemadomasi woisa imomo wozokanga kusvikira zvanyatsotsvukira.

Chiisa matemba wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Raidza usati waisa munyu nekuti matemba agara aine munyu wakawanda.

Matemba chirera mhuri, ndiwo akabata dzimba dzakawanda

Usavi uhu hunokurudzirwa panyaya dzeutano. Anodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana kuti nemupunga uchinwira-nwira mvura.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachiriongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

Share This:

Sponsored Links