Ticha abata mwana wechikoro chibharo

22 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Ticha abata mwana wechikoro chibharo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURAIRIDZI wepaZRP High School iri muHarare akamira mudare reHarare Magistrates’ Courts nemusi weChipiri achitarisana nemhosva yekubata chibharo mwana wepachikoro apa uyo akanga ari kuita zvidzidzo zvemaextra-lessons zveSainzi panguva yezororo.

Mhosva iyi inonzi yakaparirwa murabhoritari yepachikoro.

Charles Mlambo (49) haana kupihwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva yake apo akamiswa pamberi pemutongi Dennis Mangosi, avo vakati azodzoka kudare nemusi wa3 Nyamavhuvhu asi panguva iyi achange akavharirwa muchizarira.
Mlambo akayambirwa kuti akumbire bhera kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Anesu Chirenje vanoti zvinonzi nemusi wa18 Chikunguru munguva dzemangwanani, mwana uyu, uyo ane makore 15 ekuberekwa, akaenda kunoitiswa zvidzidzo zvePhysics zveO-Level murabhoritari yepachikoro apa.

Pazuva iri, akanga ari kufanira kuita zvidzidzo izvi kaviri zvichizopera masikati.

Panguva yezvidzidzo, mwana uyu anonzi akaudza ticha vake kuti murabhoritari makanga muri kutonhora saka akakumbira kuti kana zvichiita vaende kunofundira pane imwe nzvimbo inodziya.

Mlambo anonzi akabva asarudza kuti vanofundira muhofisi yake munova mune rabhoritari zvakare.

Zvinonzi Mlambo ndipo paakabva abata mwana uyu chibharo.

Mushure meizvi, mwana uyu akazonomhan’ara nyaya iyi kune murairidzi wake weBiology anova akanotaurira vabereki vake.
Vabereki vemwana uyu vakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Mlambo asungwe.

Share This:

Sponsored Links