‘Tipeiwo mukana’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Tipeiwo mukana’ Florence Magwada

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero Florence Magwada anoti vaimbi vechidzimai vanodawo mikana yakaenzana neyevanhurume kumashoo pamwechete nezvimwe zvose zvine chekuita nenyaya yemimhanzi.

Magwada anoti kazhinji kacho panorongwa mashoo makuru apo panouya vaimbi vekunze kana mamwe mashoo evaimbi vemuno, madzimai havawanzopihwe mikana yekuridza.

“Semadzimai, kubva kare munyaya dzemhanzi tinotarisirwa pasi, mapuromota vanofunga kuti hatigone kusimudza shoo tega asi kunyeba havadi kutiona chete tichisakura ndima dzedu.

“Ndokuzivisai isu madzimai takatopenga wena, tinotosevenza kana mukana wauya. Asi mukana ndiwo tiri kunyimwa chete. Panorongwa mashoo mazhinji panogona kungoita mudzimai mumwe kana vaviri chete asi shoo yese izere nevarume.

“Ngazvienzaniswe kana pakaita vaimbi vechirume vashanu ngapaitewo vechidzimai vashanu,” anodaro Magwada.

Muimbi uyu — uyo anogara kunyika yeSouth Africa uko anoshanda achiita zvemhanzi ― anoti iye pamwe nemamwe madzimai vanoimba vemuno vane mapoka akasiyana umo vanokurukura vachipanana mazano ekusimukira munyaya dzemhanzi.

“Tine zvikwata zvakasiyana zvakawanda sevaimbi vechidzimai, imomo tinodzidzisana mapfekero uye nekubatsirana kana mumwe wedu awirwa nedambudziko serufu.

“Tine zvitoro chaizvo zviri kutengesa mhanzi yedu semadzimai chete. Asi chinhu chikuru chatinoda kupihwa mukana nemapuromota pasina kutarisana pasi,” anodaro Magwada.

Muimbi uyu akwanisa kutsikisa madambarefu matatu anoti Mufudzi wangu, Prayer of Jabez  naZvaringana.

Dzimwe nziyo dzake dzakanetsa dzinosanganisira Ndinochema, Ahuna yatswanang le wena uye Zvaringana iyo akaimba pamwechete naAgartha Murudzwa.

 

Share This:

Sponsored Links