TISHAMWARIDZANE

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
TISHAMWARIDZANE Tishamwaridzane

Kwayedza

MURI kutsvaga shamwari yechirume kana yechikadzi here? Nyorai ku: Tishamwaridzane; Kwayedza, Box 396 Harare. Munogona kuunza matsamba enyu paHerald House muHarare kana kunyora paemail inoti: [email protected] kana kutumira sms panhamba dzinoti: 0714 200 007.

YAMBIRO PAMUSORO PETISHAMWARIDZANE
CHIRONGWA chino ndeche vanhu vari pachokwadi avo vari kutsvaga shamwari (penpals) pamwe neavo vari kutsvaga wekuroorana naye.
Naizvozvo vose vanotumira maSMS avo kuchirongwa chino ngavave vanhu vari pachokwadi uye voshandisa nhamba dzenharembozha dzavo chaidzo. Hachipo kuparadza dzimba dzevanhu nokudaro avo vakawanikwa nevakaroora havakurudzirwe kunyorera kuchirongwa ichi. — MUPEPETI.

NDIRI murume ane makore 40. Ndinotsvaga mukadzi ari pachokwadi ane mhuri yake. Ndiri muHarare, anoda ngaandibate pa0713 033 554.
***
Ndiri murume ane makore 38, ndotsvaga mukadzi ari pachokwadi ari HIV negative. Anoda ngaandibate pa0713 033 557.
***
VeTishamwaridzane ndapota ndishambadzeiwo, ndiri murume ane makore 42. Ndinotsvagawo mudzimai anoda zvemusha, achifarira zvekumusha. Ndine vana vaviri, nhamba yangu 0776 419 557.
***
Makadii henyu? Ndiri murume ane makore 30 ndinotsvagawo mukadzi ane makore 25 zvichidzika ane mwana mumwe. Nhare yangu 0772 208 068.
***
Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 34, kumusha ndekwaRusape uye ndinoshandira muHarare. Ndinotsvaga mukadzi ane makore 18 kusvika 25. Andida ngaandibate pa0714 248 355.
***
Ndiri murume ane makore 38, ndinotsvakawo mudzimai wokugara naye ane makore ari pasi pe32 uye asina mwana. Anoda anondiwana pa0786 982 276, ndodawo wekuDande.
***
Ndiri kutsvaga mukadzi wekuroora ane makore 18 – 26 anoda zvehupenyu hwekugara kumusha. Ndaneta nematsotsi anoti titumire mari asingazouya. Anoda kutanga imba chero nguva ngaafone pa0785 514 376 ndinopindura.
***
Makadii henyu veKwayedza? Ndakambonyorerawo asi handisati ndamuwana wandiri kuda. Ndiri murume ane vana 3, ndotsvagawo mukadzi wekufambidzana naye asi ndodawo ari pamushonga uye akasimba chaizvo. Ndiri muHarare, nhare 0712 268 772.
***
Makadii? Ndiri murume ane makore 40 nevana 2, ndotsvakawo mudzimai. Andifarira anonyorera kana kutaura panhare idzodzi 0773 956 135.
***
Makadini zvenyu? Ini ndiri murume ane makore 54, ndiri pamushonga uye ndinotsvakawo mudzimai ane makore 35 – 50 wokufambidzana naye. Ndinoda anoshanda ane vana vasingadariki vaviri. Ndinonyanya kuda vanoshanda muHurumende variwo pamushonga. Kana asingashandi, asi ngaave asina mwana hake zvachose. Angada kufambidzana neni ngaandibate pa0719 108 027.
***
Ndiri murume ane makore 33, ndotsvagawo mukadzi wekuroora ane makore 18 – 30 ari serious. Ngaandibate pa0771 716 815.
***
Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 24, ndinotsvagawo musikana mutsvuku anoda kuroorwa ane makore 18 kusvika 22. Ndoda ari pachokwadi, anotya Mwari uye asina chirwere. Andifarira ngaandibate pa0773 310 164.
***
Ndodawo musikana ane makore 18 – 25 asina mwana, handina kumboroora. Ndine makore 35, ndinoda anofarira kuenda kuchechi. Vaera Moyo kwete. Anoda kugara kumusha kumaruwa anotya Mwari ngaandibate pa0771 080 654.
***
Makadini? Ndinodawo mudzimai wekuroora ane makore 19 kusvika 25. Andida ngaandibate pa0772 432 724.
***
Ndiri mudzimai ane makore 43 nevana 3. Ndinoda murume ane makore 43 kusvika 55 anoenda kumasowe. Zvakawanda tozotaura, andifarira ndibatei pa0773 170 066.
***
Makadii veKwayedza. Ndiri murume ane makore 61, ndinotsvakawo mukadzi ane makore 55 asiri pamushonga ari mukobvu. Akanaka fona pa0775 020 438.
***
Ndiri mudzimai ane makore 27 nevana 2, ndinotsvakawo murume ari pachokwadi chero wezera ripi zvake. Ndinobatika pa0776 619 472.
***
Ndiri murume ane makore 29 ekuberekwa, ndinodawo mudzimai wekuwadzana naye ane shungu nemusha. Ngaave asiri pamushonga, ndine mwana mumwe. Vanoda ndibatei pa0712 581 425.
***
Ndiri mukomana asati amboroora. Ndinotsvagawo musikana anoda zvekuroorwa ari serious asina mwana uye asati amboroorwa. Ndinoda ari negative ane makore 18 – 24. Andifarira anofona kana sms pa0718 219 677, zvizhinji tinotaura.
***
Ndiri murume ane makore 36, ndinotsvagawo mukadzi anoda zvokuroorwa ane makore 18 – 31 uye anotya Mwari. Handina mwana saka ndinoda asinawo mwana. Nhare yangu 0772 435 715.
***
Ndiri mukadzi ane makore 25, ndotsvagawo murume ane makore 30 – 45.
Ngaave ari driver mucross-border, mupurisa kana musoja ari pachokwadi. Ndinoda ane mwana 1 kana 2, ini ndine 1. Ndofarira zvekumusha, nhamba dzangu 0786 097 647.
***

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>