‘Tsigiraiwo isu anaBigSam’

09 Oct, 2022 - 08:10 0 Views
‘Tsigiraiwo isu anaBigSam’ Big Sam

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUCHINDA anoita zvemadhirama neny’ambo dzinosetsa zvikuru – Samuel Dekeza – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti BigSam, anoti veruzhinji vanofanirwa kuyemura nekutsigira vanoita zvemafirimu muZimbabwe kwete kukoshesa vekunze.

BigSam, uyo madhirama ake anobuda paFacebook, YouTube neTikTok apo veruzhinji vanomuziva zvekare saMbuya vaRera (Lerato), anoti munyika muno mune nyanzvi dzakawanda dzinoita zvemadhirama asi zvipo zvavo zvinongoenda mudondo nekuti havanyatsopihwe rutsigiro rwakakwana kubva muzvizvarwa zvemuZimbabwe.
“Chikumbiro chedu ndechekuti dai vana veZimbabwe vatikoshesawo vasimudzira mabasa edu mune zvemadhirama izvo zvatinenge tichiita, kwete kungokoshesa vekunze.

“Zvinorwadza chaizvo kuti voruzhinji vanofarira mafirimu ekunze isu tiripo tine zvipo zvakaita saizvozvo. Tinoda kuti vanhu vemunyika medu vanakidzwewo nezvatinoitawo isu vana vemuZimbabwe,” anodaro.

BigSam kumusha anobva kwaMambo Mujinga kuHurungwe uko akakurira achichengetwa naambuya sezvo vabereki vake vakashaya achiri nemakore mana ekuberekwa.

Anoti mukukura kwake, aingofarira zvemadhirama uye aiyemura shasha dzakaita mukurumbira.
“Zvemadhirama zvinhu zvakakura zviri mandiri kubva ndichiri mudiki nekuti ndaifarira madhirama anaMukadota, Parafini naGringo avo vaiita ny’ambo dzainakidza zvikuru, ndaivayemura. Ndakatozokura ndichida kuita zvemadhirama zvekuti ndakatozozvitanga ndine makore mana chaiwo ekuberekwa,” anodaro.

Panyaya dzemadhirama munyika muno, BigSam akasiyana nevamwe sezvo ari shasha pakutaura mitauro yakasiyana seShona, Ndebele, ChiKorekore, ChiManyika, neChiTonga. Anoti zvemadhirama zviri kumubhadhara sezvo ari kushevedzwa nemakambani kuti azovashambadzira zvinhu zvavanogadzira nekutengesa.

BigSam anoti nguva pfupi yadarika, akahwina menduru yegoridhe kumakwikwi eStandup Comedy akaitirwa kwaMutare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>