Ura hunozvara mbavha nemuroyi!

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

KWASARA mwedzi kuti tipemberere zuva remagamba akarwira rusununguko rweZimbabwe, nezuva ramauto eZimbabwe (Defence Forces Day), musi wa14 na15 Nyamavhuvhu. Runyararo rwuri munyika ibasa ravarume navakadzi mauto avo vakazvipira.

Asi kune vamwe vedu angove mazuva arikowo kunge vakaasungirirwa muhuro semabhero anosungirirwa pamombe.

Vakuru vanoti akazvara sekera mudende, vamwewo vachiti ura mapoko, hunozvara mbavha nemuroi.

Zvauya seiko nhai Mukwende?

Aiwa, kungofungawo kuti vamwe mazuva iwaya omuna Nyamavhuvhu panguva yavapambepfumi, havazivi kuti akange akapihwa zita rinonzi Rhodes and Founders Day.

Iyi yaiva nzira yokuda kuremekedza nhunzvatunzva yavapambepfumi Cecil John Rhodes navamwe vake vaifunga kuti vazviwanira ka”Little England” kavo parukuvhute rweAfrica. Hondo yakarohwa tikavaimbira kuti:

Zimbabwe-e,

Zimbabwe nyika yavatema

Zimbabwe, inyika yedu!

Vakomana vasikana-a,

Torai pfumo-o

Pfumo reChimurenga

Murwise mhandu!

Rakatorwa pfumo reChimurenga, vana vakasimuka kuenda kunyika dzakatipoteredza – Mozambique, Zambia, Botswana neTanzania. MuSouth Africa mazara vanhu nhasi uno makange makaberekera ingwe, bhunu richidya rasha.

Vaveko, vakashaura zvakare kuti zvizivikanwe kuti handi vana vatiza misha, asi kuti vana vaona humbavha hwakange hwaitwa navachena, uyewo kushungurudzwa kwaivepo. Takanzwa pamagindimukindi (wairesi) vave kuti:

Kure kure, kwatinobva

Kure kure, kure kwatinobva

Amai nababa tondosangana kuZimbabwe (x2)

Mhoroi mose mose

Aiye-iye

Makadini?

Aiye-iye

Nomufaro?

Aiye-iye

Tondosangana kuZimbabwe!

Kakukanganwa katave kuona kanovhundutsa zvokuti unozvibvunza kuti mumakore makumi mashanu vanorarama nguva iyoyo vanenge vachiri kuziva kuti nyika yakauya nehondo here iyi, uyewo kuti haina kurwirwa navabvakure, asi navana vevhu.

Tiri ipapa pokuti kune vakashinga, vakatambura, vamwe vari kurarama munhamo inonhuhwa kunge butu, kunge vasina kurwira rusununguko rwenyika, ndipo paunoona vakatiza hondo uyewo vasina kana kumbokutsika nokuti dzaive pwere vachiudza vakuru vamauto kuti hapana zvamuri.

Kutovati zamu ramai vangu iri, zamu ramai venyu iri, kana masvotwa rutsai, mobvisa mbatya dzechisoja totaurirana zvakanaka. Chakawana hama hachisekanwi!

Mbeu iri kuzvirova dundundu nhasi uno imbeu yorudzii? Ndeyemudura here kana kuti ndeyekuuchika, kana kuti ndiyo iya yema”Genetically Modified Organisms” (GMOs) inoparadza ivhu neutano hwavanhu, ichiunza zvirwere zvisingarapiki zvinenge gomarara nezvirwere zveshuga? Vanhu ava ndivo vave mapurisa namatare ebato rinotonga reZanu-PF here, vachitonga vari paInternet?

Ukatarisa pavaenda kana kufamba pese, unoona vachisiya vaparadza, zvichireva kuti vanoda kuparadza Zimbabwe. Kudzidza mabhii hazvirevi kuti munhu wave neruzivo rwese, asi kumwe kudzidza kunoita munhu mharapatsetsetse.

Tikwanirei, nokuti zvamuri kuita muchaona takwira pachuru takuudzai kuti kana tichicherechedza zuva reHeroes Day, tingafare zvedu, asi tinochema hama zhinji dzakaparara muhondo, vamwe vana makuva asingazivikanwi.

Vamwe vari kuparara neurombo chaihwo, vachishaya kana mari yokuendesa vana kuzvikoro, asi imi vanogona, vanaMarutenga naZvanyadza, vakatiza hondo yacho modya zvavapfupi nokureba. Tinodzora tsvimbo svondo rino, asi regai kukanganwa kuti takambokuyambirai kuti Mbuya Nehanda vakati chii patakataura naKomuredhi Murenga Mwanawashe.

Kana Nehanda Nyakasikana akati mapfupa angu achamuka, haana kumuka here? Ipai vanhu neHurumende mukana wokuvandudza nyika nokugadzirira sarudzo dza2018, kwete kubvongodza muto kuita kweakaguta.

Share This:

Sponsored Links