‘Usarambe, mwana ndewako Mabharani’

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Usarambe, mwana ndewako Mabharani’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
SAMUSHA wekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake achida kuti abhadhare $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wake akatsika madziro achiti haakwanise kubvisa mari iyi sezvo aine fungidziro yekuti mwana uyu haazi wake nekudaro anoda kuti paitwe ongororo zvigoonekwa kuti ndewani.

Emmanuel Mabharani akataura mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa kudare reHarare Civil Court naMaud Honzeri.

Honzeri anoti anoda kuti Mabharani abhadhare $100 yekutengera mwana zvekudya nezvekupfeka.

“Ndauya kuno kudare ndichikumbirawo kuti murume uyu abhadare mari yekuchengeta mwana watakaita tose. Mari iyi ndeye zvekudya nezvekupfeka zvemwana,” anodaro Honzeri.

Anoti iye mari yaanowana kubva mukutengesa haimukwanire.

“Mari yandinowana mukutengesa-tengesa kwandinoita zvinhu haikwane kuchengeta mwana nekuti ndinowana $100 pamwedzi saka ndazouya kudare kuno,” anodaro Honzeri.

Mabharani anoudza dare kuti anokwanisa kubvisa $30 pamwedzi.

“Changamire, mari iri kutaurwa ini handiikwanise, ndinokwanisa $30 pamwedzi yekuchengeta mwana uyu,” anodaro Mabharani.

Anoti ane fungidziro yekuti mwana uyu haasi wake nekudaro anoda kuti vanoongororwa nanachiremba kuti chokwadi chibude pachena.

“Ndine fungidziro yekuti mwana uyu haasi wangu. Naizvozvo ndinoda kuenda kunanachiremba kuti vaongorore kuti mwana ndewangu here ndozotanga kubhadhara mendenenzi,” anodaro Mabharani.

Honzeri anobvumirana nemashoko aMabharani ekuti vaende kunoongororwa achiti ane chokwadi chekuti mwana uyu ndewaMabharani.

“Ini ndinobvumirana naye kuti tinoona vanachiremba nekuti ndine chokwadi chekuti mwana ndewake, asi angangoda kuramba hake,” anodaro Honzeri.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Mabharani afanobhadhara $40 pamwedzi yekuchengeta mwana akamirira zvichabuda muongororo ichaitwa kuti zvionekwe kuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Share This:

Sponsored Links