‘Vaimbi paridzai shoko rechenjedzo’

01 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
‘Vaimbi paridzai shoko rechenjedzo’ Precious ‘Mr P’ Hanya

Kwayedza

Abel Ndooka

VAIMBI vane mukurumbira, shasha dzemadhirama neny’ambo vanokurudzirwa kuti vatore chikamu chikuru mukushambadza chenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19 uye kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri.

Kurudziro iyi yakapihwa nemuimbi weAfro-Jazz – Precious ‘Mr P’ Hanya – achiti zvakakosha kuti vanhu varege kuvarairwa uye kuti varambe vachitevedzera zvizere matanho aripo ekurwisa chirwere ichi.
Pari zvino kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe, dzinosanganisira South Africa, kwakanyuka mhando yehutachiona hutsva hweCovid-19 uho hunozivikanwa nekunzi Omicron.

Kunyuka kwehutachiona uhu kwaona vanhu vemudunhu reSouthern Africa vachimbomiswa kushanyira dzimwe nyika dziri kuEurope.
Hanya, uyo pari zvino ari kugara kuSouth Africa, anoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire mararamiro matsva akaunzwa nedenda iri.
“Upenyu hwatave kurarama izvozvi hwatosiyana nehwekare nekuuya kwakaita Covid-19. Saka zvakakosha kuti tigare tichitevedzera matanho ose anodiwa ekurwisa denda iri. Iye zvino kwakanyuka mhando itsva yehutachiona hwechirwere ichi yeOmicron kune dzimwe nyika saka tinofanirwa kuzvidzivirira kuti husatibate.

“Sevaimbi, ibasa redu kuti titungamirire pakupa chenjedzo pamusoro pedenda iri. Chandinoziva ndechekuti izwi redu rine mutsindo, tikataura veruzhinji vanotiterera.
“Naizvozvo ngatiparidzei shoko rekuti vanhu ngavagare vachitevedzera matanho ekurwisa Covid-19 pamwe nekuenda kunobaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi,” anodaro.

Zvichakadaro, Hanya anoti ari kugadzirira kubura dambarefu rake rechitatu rinonzi ‘Mixed bag’ iro akashanda nevaimbi vanosanganisira Andy Muridzo pakambo kanonzi ‘Purezha,’ uye naDino Mudondo pakambo kanonzi ‘Nyaya Dzerudo’.
Anoti dambarefu iri rizere nedzidziso huru yeupenyu iyo anovimba kuti ichabatsira veruzhinji.

“Ini ndiri munhu akabva kuvanhu, ndinoziva kuti upenyu hunoda hushingi nekuzvininipisa kana uchida kubudirira. Saka nziyo zhinji dziri padambarefu rangu rechitatu dzinodzidzisa veruzhinji kuti ngavashinge pane zvose zvavanoita muupenyu uye vashande nesimba.
“Ndine kambo kanonzi Baba Namai, muupenyu kana uchida kubudirira unofanirwa kuwana makomborero kubva kuvabereki vako. Saka zvakakosha kuti munhu ugare uchingovatenda nguva nenguva kuti makomborero agowanda,” anodaro Hanya.

Share This:

Sponsored Links