‘Vaimbi tsvagai zvimwe zvekuita’

09 Apr, 2021 - 15:04 0 Views
‘Vaimbi tsvagai  zvimwe zvekuita’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Matildah Tekeshe – ari kukurudzira vamwe vaimbi kuti vadzidzire kushandisa maoko senzira yekutsvaga kurarama zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa mabasa avo nechirwere cheCovid-19.

Upenyu hwevaimbi vazhinji hwakadzoserwa kumashure nekuuya kweCovid-19 sezvo vairaramiswa nekuita mashoo ayo akamiswa kubvira munaKurume wegore rapera nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Izvi zviri kuona vaimbi vakawanda vachikwangwaya sezvo vasina mamwe mabhindauko anokwanisa kuvapa raramo.

Tekeshe – uyo anogara kunyika yeUnited Kingdom – anoti hazvibatsire kuti vaimbi vangochema nekuda kweCovid-19 asi kuti ngavatsvage mabhindauko anovararamisa nemhuri dzavo.

“Nguva yatave kurarama iye zvino, zvinhu zvakatoshanduka kusiyana nakare nekuti tave kurarama munguva yeCovid-19 iyo yamisa zvinhu zvakawandisa uye ikakanganisa upenyu hweveruzhinji.

“Isu vaimbi takanganiswawo nekuti hatichabvumidzwa kuridza kumashoo sezvo zvisiri kutenderwa kuti vanhu vaungane vakawanda. Saka basa racho rabva rakanganisika.

“Nekuda kweizvozvo, ndinokurudzira vamwe vaimbi kuti ngatidzidzire kushandisa maoko edu kuita mabasa akasiyana kuti tikwanise kuzviraramisa nemhuri dzedu pamwe nenhengo dzezvikwata zvedu.

“Iye zvino zvakakosha kuti tichitanga kushandisawo dzimwe nzira dzechizvino-zvino dzekutengesa mimhanzi yedu kuitira kuti isvike kuvatsigiri vedu,” anodaro Tekeshe.

Akatanga kuimba achiri nemakore 13 ekuberekwa ari kuchechi.

Tekeshe – uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Rivers of Joy Music – kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa madambarefu matatu anoti Kugona kwaMwari (2012), Mukana Uripo (2015) naThe Kingdom of God ra2018.

Pari zvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechina rinonzi Jehovah Yahwe iro anotarisira kubura munguva pfupi inotevera.

Share This:

Sponsored Links