Vakaparura mutambo wekuchenjedza vanasikana

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHIKWATA chevatambi vari kusimukira mune zvemadhirama chakaparura mutambo wekuchenjedza vanasikana kuti vangwarire vanhurume vanoda kuvanyengedza nekuvatsvetsva mukuita zverudo vasati vayaruka

Chikwata cheThe Boys of Fire chekuEpworth, muguta reHarare chakabura mutambo wacho wekutanga unonzi Regai dzive shiri. Mutungamiriri wechikwata ichi Pilkington “Mr Gwebu” Mushayi anoti dingindira remutambo uyu kupa dzidziso kuti vanhurume vasabatirira vanasikana vachivanyengedza nemari.

“Mutambo uyu wakanangana nekuyambira maticha kuti vasapfimba vana vechikoro nekuvaitisa pamuviri. Haisi yambiro kumaticha chete asi kuti chero nevamwe varume vakuru kuti vasabatirira vanasikana,” anodaro Mushayi.

“Mumutambo uyu ticha anodanana nemwana wechikoro ane makore 14 okuberekwa omumitisa. Apihwa pamuviri, mwana wechikoro anopedzisira ava kuda kugara ticha nekuti ndizvo zvinenge zvavapo.

“Anofunga kutizira ticha asi ticha anoramba mwana wechikoro ndipo paanomuti ava kuendesa nyaya kumapurisa ozobvuma. Ticha anozopedzisira agara naye zvisinei kuti mwana mudiki. Mukupeta nyaya iyi, ticha anotengera vabereki vemusikana uyu masutu senzira yekuti vasaende kumapurisa,” anodaro.

Mumwe ari muchikwata ichi, Archford ‘Kabhachi’ Hakutangwi, anoti donzvo ravo guru mumitambo yavo inosanganisira yavanomboita muzvikoro nderekuti vanhurume vasiye vanasikana vambokura naivowo vanasikana vacho kuti vazvibate.

“Izvi ndizvo zvatiri kuda kuedza kubudisa kuburikidza nemitambo yedu kuti vanhurume vasiye tsika iyi. Naivo vanasikana ngavazvibatewo vasave vanhu vari nyore kumunhu wose kana kuvanhu vakuru kwavari.

“Ngavave nechinangwa nekurega kutora mukana wekuti dzimwe nguva vanenge vasina vabereki vanovapa zvose voita mabasa akashata vachiri vadiki,” anodaro Kabhachi.

 

Share This:

Sponsored Links