Vanhu 4 miriyoni vabaiwa nhomba

29 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Vanhu 4 miriyoni  vabaiwa nhomba Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HUWANDU hwevanhu vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 – ekutanga (first dose) neechipiri (2nd dose) – hwadarika 4 miriyoni inova budiriro huru yeZimbabwe pasi pechirongwa ichi, icho chakatanga munaKurume gore rino.

Magwaro epazuva anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika pakupera kwesvondo radarika, vanhu 2 453 529 vange vabaiwa majekiseni ekutanga apo 1 561 368 vakabaiwa echipiri.

Izvi zvinobva zvaita kuti huwandu hwevanhu vainge vabaiwa majekiseni ose ari maviri kusvika pakupera kwevhiki radarika husvike 4 014 897.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni kana kuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kuti pange paine kudzivirirwa kubva kuCovid-19.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChitatu mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 chiri kufamba zvakanaka zvikuru.

Vanoti Hurumende ine chivimbo chekuti nyika ichange yadziviririka kubva kuchirwere ichi panosvika mwedzi waZvita gore rino kana pachitariswa budiriro yavepo kusvika pari zvino pasi pechirongwa chekubaiwa kweruzhinji majekiseni aya.

“Tichitarisa huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni aya, Cabinet ine chivimbo chekuti kudziviririka kuchange kwavepo panosvika Zvita 2021,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zvichitevera mazano kubva kunyanzvi dzezvesainzi, Hurumende ine hurongwa hwekuti kubaiwa kwemajekiseni aya kuitwewo kune vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa.

Nyika ino iri kurumbidzwa zvikuru nemapoka akasiyana, kusanganisira sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwekufambisa kwairi kuita zvakanaka chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni aya.

Svondo rapera, bhanga guru repasi rose reWorld Bank rakarumbidza zvakare Zimbabwe nebasa guru rairi kuita mukuvandudza upfumi hwenyika panguva iyo yakatarisana nekurwisa kupararira kweCovid-19.

Dr Taufila Nyamadzabo, avo vanove World Bank Executive Director for Africa, vakataura mashoko aya mushure memusangano wavakaita nemutevedzeri wemutungamiri wenyika Vice President Contsantino Chiwenga, vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana.

“Sezvataurwa naVice President, Zimbabwe yave nebudiriro huru panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye tinoda kuvatenda pamwe chete naPresident Mnangagwa nehutungamiriri hwavo apo Zimbabwe iri kufambira mberi.

“Zimbabwe yave nebudiriro huru kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika idzo dzinogona kutevera matsimba ayo,” vanodaro Dr Nyamadzabo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>