‘Vanhu regai kuvarairwa’

10 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
‘Vanhu regai kuvarairwa’ Norest Magede

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weChimurenga — Norest “Mambo Chingaira Makoni” Magede — anokurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe vachifunga kuti Covid-19 hakuchisina, asi kuti varambe vachitevedzera matanho ose akatarwa neHurumende pamwechete nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira denda iri.

Mambo Chingaira Makoni —uyo anove mwana wemukoma wemushakabvu, Cde Dickson “Chinx” Chingaira — anoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi kuburikidza zvakare nekubaiwa majekiseni.

“Isu tose sezvizvarwa zvemuZimbabwe tine basa guru rekubata mukuona kuti tarwisa Covid-19 kusvika yapera. Kuti zvikwanisike kuitika, tinofanirwa kuramba tichitevedzera mitemo yose iripo yekurwisa denda reCovid-19 kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichinyuka.

“Izvezvi kune chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, ngatiite mudungwe kuenda kunobaiwa tizvidzivirire tisape chirwere ichi mukana wekuramba chichinyuka, tichirwise chipere zvachose,” anodaro.

Mambo Chingaira Makoni anoti vanhu vane mukurumbira vanoita mabasa akasiyana — vangave vaimbi, vemadhirama kana vanamuzvinabhizimisi — vanofanirwa kutungamira panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvichibatsira mukukurudzira veruzhinji kuti vetevere mumatsimba avo.
“Isu sevaimbi tiri kufanira kutora chikamu chikuru mukushambadza nekukurudzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Veruzhinji vanotevera zvikuru zvatinoita saka naizvozvo tikaonekwa tichinobaiwa, vanoteverawo. Saka handei nehuwandu hwedu tirwise chirwere ichi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>