‘Vanotengesa mbeu yemukoto ngavasungwe’

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Vanotengesa mbeu yemukoto ngavasungwe’

Kwayedza

KOMITI yedare reParamende inoona nezvekurima inoti iri kushushikana zvikuru nemakoronyera ari kutengesa mbeu yemanyepo pamisika yemikoto sezvo kuita kwakadai kuchikanganisa budiriro yemabasa ekurima kuburikidza nekuderedza goho. Mashoko aya akataurwa naCde Kallisto Gwanetsa avo vanove mumiriri weChiredzi South mudare reNational Assembly nguva pfupi yadarika apo nhengo dzekomiti yavo dzaimema muzinda wekambani yeSeed Co Zimbabwe.

“Tiri kunyanya kushushikana nenhau yevanhu vari kutengesa mbeu dzemanyepo mumisika yemikoto nekudaro tinoda kuti vapari vemhosva dzakadai vange vachisungwa zvekuendeswa kujeri chaiko. Tinoda kuti mutemo weSeed Act unge uchivandudzwa kuitira kuti vapari vemhosva vatenherwe mutirongo,” vanodaro.

Zvakadaro, Cde Gwanetsa vakarumbidza Seed Co nekutsigirira kwairi kuita zvirongwa zveHurumende zvekuti munyika muve nemaguta zvakaita secheCommand Agriculture icho varimi vari kupihwa zvekushandisa.

“Kuburikidza nechirongwa chakaita seCommand Agriculture, nyika dzakadai seThailand, Singapore neIndonesia dzakabatsirikana zvikuru saka kana tikadzidza kubva kwadziri tinoona tichibudirira. Kana makambani anouchika mbeu akatsigira varimi, nyika ino ichazokwanisa kumutsiridza mahindasitiri. Tinotenda kuti makambani embeu akadai seSeed Co Zimbabwe ari kutsigira chirongwa cheCommand Agriculture pamwe nechePresidential Inputs Scheme uye hakuna mbeu iri kushomeka kuvarimi,” vanodaro Cde Gwanetsa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, managing director weSeed Co Zimbabwe VaDenias Zaranyika vanoti donzvo ravo ndere kuti munyika muve nembeu inokwanirana.

“Mupande wekutanga (cluster 1) wechirongwa cheHurumende cheZim-Asset uri pamusoro pekuwaniswa uye kuchengetedzwa kwechikafu chinovaka muviri. Saka tinorwira kuti vanhu varime chikafu chinogutsa nyika kuti tisaramba tichitenga kune dzimwe nyika nekuti zvinotidhurira. Zvakare kana vanhu vaine kudya kwakakwana nyaya dzemhirizhnga tinoona dzichiderera nekuti vanenge vakaguta,” vanodaro.

VaZaranyika vanoti zvakakosha kuti nhengo dzedare reParamende dzikurudzire varimi vemunzvimbo dzavo kuti vatenge mbeu dzakauchikwa muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

“Mbeu yeSeed Co ndiyo mbeu chaiyo inogutsa ruzhinji nekuti inouchikwa nenyanzvi. Varimi vazhinji vari kukundikana kuwana goho kwaro nekuda kwekuti vari kutenga mbeu kumakoronyera dzinova dzemanyepo vachinyengedzwa nemitengo yepasi iyo iri kupihwa kumisika yemumikoto,” vanodaro.

Mukushi wemashoko kuSeed Co Zimbabwe, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti kambani yavo ine mbeu dzemhando dzinofambirana nematunhu akasiyana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

“Tine mbeu yakawanda kwazvo inogona kudarika makore matatu anotevera saka varimi havafaniri kutya kuti mbeu inogona kupera. Ticharamba tichiita ongororo yekugadzira dzimwe mbeu dzinofambirana nemamiriro ari kuita kunze uye tine mbeu diki dzinotirira muzuva dzakadai semapfunde, nyemba nebhinzi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links