Kwayedza
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa nguva pfupi yadarika kushoo yevarimi yekuMarirangwe kumakwikwi ekutaridzira zvakasiyana zvakaita sekubika, kusona, zvirimwa nekuchengeta zvipfuyo.
Varimi ava vakabva kumapurazi ekuMarirangwe anokwana 68.
Kanzura wenzvimbo iyi, VaClever Chimwanja vekuward 11 kuBeatrice kudunhu rekwaSeke, ndivo vakaronga shoo iyi uye yakapindwa nevamwe vaisanganisira mukuru wevarimisi mudunhu iri, VaEmmanuel Muranda.
Murimi akawana mubairo wekutanga muchikamu chezvirimwa ndiMai Mwanasawani Mutwisha (52) vepapurazi reNumber 2 avo vakapiwa mibairo inosanganisira bhara nezvimwe zvekushandisa pakurima. Mai Patricia Njoli (60) vepapurazi reNumber 51 ndivo vakaenda nemubairo wechipiri.
Zvakadaro, mumakwikwi echikamu chemombe dzemukaka nedzenyama mubairo wakatorwa naVaElvis Gwanzura.
VaMuranda vanoti zvirimwa zvavo mwaka uno hazvina kuita sezvavaitarisira nekuda kwemvura isina kunaya zvakanaka.
Kanzura Chimwanja vakatendawo vamwe varimi vemapurazi makuru vekuBeatrice vechichena vakavabatsira pashoo iyi nezvekushandisa.