Varimi vefodya dzivirirwai Covid: TIMB

08 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Varimi vefodya dzivirirwai Covid: TIMB MWAKA wekutengeswa kwefodya wakatanga nemusi weChitatu chino apo kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) iri kukurudzira varimi vose vanounza fodya kumisika yakasiyana kuti vange vakabaiwa majekiseini ekudzivirira chirwere cheCovid 19.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWAKA wekutengeswa kwefodya wakatanga nemusi weChitatu chino apo kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) iri kukurudzira varimi vose vanounza fodya kumisika kuti vange vakabaiwa majekiseini ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Danho iri rakanangana nekuchengetedza utano hwevarimi nevamwe vanoenda kumisika yefodya kubva kuCovid-19.

Mutauriri weTIMB, Mai Chelesani Tsarwe, vanoti mwaka uno kambani yavo ine chinangwa chekuedza kudzikisa matambudziko anogona kusanganikwa nawo kumisika ezvirwere zvakasiyana, kusanganisira cheCovid-19.

“Tine varimi vose vane maGrowers Numbers avakatora nesu seTIMB avo tinokurudzira kuti vabaiwe majekiseni ose anodzivirira denda reCovid-19, anosanganisa maviri ekutanga nebooster. Kune vasina kubaiwa kana jekiseni rimwe chete, tinovakurudzira kuenda kunoona nyanzvi dzezveutano kuzvipatara votaurirwa zvekuita kuti vabaiwe majekiseni aya kana kuuya kumakiriniki ari pamisika yedu yefodya. Varimi vakabaiwa chete ndivo vachakwanisa kupinda mumisika,” vanodaro Mai Tsarwe.

Vanoti varimi vasina kubaiwa majekiseni aya zvichavanetsa kuti vatengese fodya yavo zviri nyore sezvo makadhi achiratidza umboo hwekuti vakabaiwa achange achidiwa murimi achipinda mumusika.

Mai Chelesani Tsarwe

Mai Tsarwe vanoti makiriniki ariko kumisika yose mikuru yefodya yakanyoreswa inosanganisira Boka Sales Floor (BSF), Tobacco Sales Floor (TSF) nePremier Tobacco Sales Floor (PTSF) uyewo nekumisika midiki yakavambwa kumaguta nemadhorobha ari kumativi ose enyika.

MuZimbabwe mune varimi vefodya vanodarika 160 000 apo chirimwa chavo chichizotengeswa kumisika yemuno nekuzoendeswawo kune dzimwe nyika dzinodarika makumi matanhatu.

Mai Tsarwe vanoti mwaka uno, varimi vefodya vari kupihwa mibhadharo yavo nemari yekunze inosvika chikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana, zvakasiyana newadarika apo vaipihwa mari iyi nechikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana.

Gore rapera, varimi vakawana mari inodarika US$602 miriyoni mushure mekutengesa fodya inorema 197 miriyoni kg.

Mwaka wekutengeswa kwefodya wegore rakapera wakatanga nemusi wa30 Kurume ukazopera nemusi wa20 Chikunguru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>