Varimi vefodya vochema

12 May, 2022 - 13:05 0 Views
Varimi vefodya vochema Mambo Chundu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chundu vekuHurungwe kuMashonaland West vanokumbira kuti kudunhu ravo kuwedzerwe misika yekutengesa fodya vachiti makambani mashoma emakondirakiti aripo pari zvino ari kumbunyikidza varimi kuburikidza nekuvatengera nemitengo iri pasi-pasi.

VaAbel Mbasera vanova Mambo Chundu uye vari senator weMashonaland West, vanoti varimi vefodya vemudunhu ravo vari kutambura kuwana sarudzo yekwekutengesera fodya sezvo misika iri mishoma.

“Hurumende yakaisa mitemo yekuti misika yefodya iwanikwe kunzvimbo dzose dzenyika, izvozvi tine chirongwa cheDevolution chekuti tisimudzire budiriro yematunhu atigere. Zvino tikashaya zvirongwa zvakadai donzvo redu rechiono cheVision 2030 rekusimudzira upfumi hwenyika rinozadzikiswa sei?” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti kudunhu ravo kune makambani anobatsira varimi mukurima fodya asi vanozotara mitengo isingafadze pakutenga chirimwa ichi.

“Samambo, varimi vari kuuya kwandiri vachichema kuti vanodawo misika yakawanda yefodya yemaAuction Floors kwete yemakondirakiti. Zvikadaro, panoita makwikwi zvinoreva kukwira kwemitengo.

“Zvino kambani ikave imwe chete inotenga fodya inoita zvainoda nevarimi,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti vamwe varimi vasingawirirane nemitengo yefodya inenge yatarwa vanoguma vatakura chirimwa chavo kubva kuHurungwe kuenda kuHarare izvo zvinoita kuti vasangane nematambudziko akasiyana.

“Varimi vanobatsirwa nemakambani mashoma ariko mukurima fodya ndivo vanotengesa ikoko uyewo vaye vasina vanoguma vamanikidzwa nemamiriro ezvinhu kunotengesa fodya yavo ikoko uko vanoti vanopihwa mari shoma.

“Pakuzotsvaga kutakurirwa fodya yavo kuenda kuHarare, vanoguma vava kubirwa fodya yavo zvakare kana kusangana nedzimwe tsaona uyewo mari yekuhaya marori inovadhurira,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Varimi vefodya vari kutemawo miti saka tinodawo kuti makambani atinoshanda nawo mudunhu redu reHurungwe atibatsire mukuvandudza masango nekudyara mimwe miti kutsiva iri kutemwa.”

Mambo Chundu vanoti vakambotaura nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) vachikumbira kuti misika inotengeswa fodya iwande mudunhu ravo asi kusvika pari zvino hapana chati chazadzikiswa.

“Dunhu redu reHurungwe riri pamusoro pakurimwa kwefodya munyika izvo zvinoda kuti tigova nemisika yakawanda kuno kunzvimbo dzakaita seKaroi, Magunje, nekumwe,” vanodaro mambo ava.

VaMeanwell Gudu vanova chamangwiza weTIMB vanoti vakashevedza makambani emisika yefodya akadai seBoka Tobacco Floors (BTF), Tobacco Sales Floor (TSF) nePremier Tobacco Auction Floors (PTF) kumahofisi avo vakaita hurukuro pamusoro pekuti vavhure misika yefodya kumatunhu akasiyana enyika.

VaMeanwell Gudu

“Makambani emisika mitatu emunyika muno inosanganisira Boka, TSF nePremier takavashevedza kumahofisi edu tichivakurudzira kuti vanovhura misika kunzvimbo dzakasiyana. Takavapa mvumo yekuenda kunovhura misika iyi, seTIMB tiri kutoshamiswa kuti sei vasati vaenda kunotanga basa rekuti vabatsire varimi nekutengesera fodya yavo padyo navo.

“Danho iri rakanangana nedonzvo reHurumende pasi pechirongwa cheDvolution chekusimudzira budiriro yekumatunhu,” vanodaro VaGudu.

Vanoti vachaita hurukuro zvakare nevemakambni aya vonzwe kuti chii chiri kunetsa pakuti vavhure misika kumatunhu ari kumativi mana enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>