Varimi vemasamba vakabatsirwa

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Varimi vemasamba vakabatsirwa VARIMI vemasamba kuHonde Valley, kudunhu reManicaland — avo vange vakatarisana nematambudziko ekushaya zvekushandisa — vobatsirikana zvikuru zvichitevera rubatsiro rwefeteraiza rwavari kupihwa nekambani yeSable Chemicals kuburukidza nesangano reFord Foundation uye mari yechikwereti iyi ichabva kubhengi reFBC Bank.

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke
VARIMI vemasamba kuHonde Valley, kudunhu reManicaland – avo vange vakatarisana nematambudziko ekushaya zvekushandisa – vobatsirikana zvikuru zvichitevera rubatsiro rwefeteraiza rwavari kupihwa nekambani yeSable Chemicals kuburukidza nesangano reFord Foundation uye mari yechikwereti iyi ichabva kubhengi reFBC Bank.

Nguva pfupi yadarika, varimi ava vaichema-chema vachiti kushomeka kwefeteraiza uku kwaigona kuzokonzera kudzikira kwegoho ravo mwaka uno.

Muhurukuro neKwayedza, Zimbabwe Farmers’ Union Manicaland tea commodity provincial chairman – VaCharles Sanhanga – vanoti Sable Chemicals yakazvipira kubatsira varimi nechinangwa chekuti varambe vachiita basa ravo.

“Mushure mekunge Sable Chemicals yanzwa nezvedambudziko redu, vakauya kwatiri ndokuti vanoda kutibatsira nefeteraiza,” vanodaro.

“Kambani iyi ichabhadharwa mari yavo kuburikidza nehomwe yeFord Foundation iyo yange isingashandiswe kwemakore nekuda kwematambudziko ekufambiswa kwehomwe iyi.”

VaSanhanga vanoti varimi vari pasi pesangano reHonde Valley Tea Growers’ Association vakawana zvikwereti kubva kuFord Foundation muna 2012 kuburikidza neboka reAgricultural Development Trust, asi vakangowana mari yezvikwereti iyi kamwe chete.

Vanoti nekuda kwematambudziko aivepo maringe nekushandiswa kwemari yehomwe iyi uyewo nevamwe varimi vasina kuzobhadhara zvikwereti, zvakaita kuti homwe iyi imbomira kushandiswa.

“Parizvino hatikwanise kutaura kuti imarii yatichawaniswa, asi Sable yavimbisa kuti ichaita hurukuro nebhengi iri kuitira kuti vave nehurongwa hunobatsira munhu wose,” vanodaro VaSanhanga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvatingataure ndezvekuti bhengi richabhadhara mari iyi kuSable Chemicals yezvekushandisa izvo varimi vachawana kuburikidza nehomwe iyi.”

Vanoti rubatsiro urwu ruchaita kuti basa revarimi rifambire mberi zvakanaka zvikuru.

VaSanhanga vanoti kunyangwe zvazvo dunhu ravo rakange rakatarisana nedambudziko rekusanaya kwemvura kwenguva yakareba mwaka uno, chirimwa chemasamba hachina kukanganisika zvakanyanya.

“Chirimwa chemasamba kuHonde Valley hachina kukanganisika zvakanyanya nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka sezvo chichitirira muzuva. Dunhu reHonde Valley hariwanzotora nguva yakareba mvura isina kunaya,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>