Varimi vemombe vopunduka

06 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Varimi vemombe vopunduka Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vemombe dzenyama nedzemukaka pasi pechirongwa cheMafuro Safari Large Scale Diary Farming kuMarondera vari kuita mabasa makukutu munyaya dzekuvandudza huwandu hwezvipfuyo zvavo pamwe nezvigadzirwa zvinobva muzvipfuyo izvi.

Chirongwa ichi chakatanga mugore ra2018 zvichibva kurutsigiro rweHurumende kuburikidza neAgriculture Finance Corporation (AFC).

Vachitaura pachirongwa chakaitirwa kuMarondera munguva pfupi yadarika, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura, kusanduka kwemamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu kumaruwa – Cde Vangelis Peter Haritatos – vanoti mabasa akadai anobatsira zvakanyanya mukuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro yeZimbabwe zveVision 2030.

“Chikamu chevanhu vanodarika 70 percent munyika muno vari kushanda mumabasa ekurima. Nyaya dzekurima dziri kubatsira kusimukira kweGross Domestic Product (GDP) nechikamu chinobvira pa16 kusvika 20 percent uye tichikwanisa kutengesa zvirimwa zvedu kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Vanoti gore rino vari kutarisira kuti nyaya dzekuchengetwa kwezvipfuyo dzinge dzichisimukira nechikamu che10 percent, kusanganisira zvirongwa zveLivestock Growth Plan izvo zvinosimudzira kuwaniswa kwemukaka munyika.

“Vanhu vanodarika 30 000 vari kushanda mumabasa ari maringe nekuchengetwa kwemombe dzemukaka uye zvigadzirwa zvinobva mumukaka. Bhizimusi iri rakakosha nekuti rinotiwanisa chikafu chinovaka muviri uye mari yekunze,” vanodaro Cde Haritatos.

Dzimwe dzemombe dziri kupfuiwa paMafuro Safari Large Scale Diary Farming kuMarondera

Chamangwiza weAFC, VaFrancis Macheka, vanoti vanodyidzana zvakanaka neveMafuro Safari Large Scale Diary Farming.

“SeAFC Holdings, tinotendera mukukura pamwe nekusimudzira mabasa ekurima. Tinobata zvinhu zvakawanda sekusimudzira zvivakwa, kupa magwaro eminda, mitero nekutsigira nyaya dzose dzekurima uye kubatsira varimi nemari,” vanodaro.

Mafuro Safari Large Scale Diary Farming ine mahekita 200 emafuro nemamwe 1 700 ekuita ongororo (Grassland Research Institute) ayo vari kuitira mabhindauko emukaka.

Pakashandiswa US$1 miriyoni mukutenga mombe dzemukaka pamwe nekusimudzira kufambiswa kwebasa repapurazi iri.

“Takatanga tiine mombe 546 apo 75 dzaive dzichitokamwa mukaka. Mugore ra2019, takatsvaga rubatsiro kuAFC Holdings tichibva tapinda muchikamu chechipiri chemabhindauko edu ekuchengeta mombe dzemukaka kuRuzawi muMarondera mekare kwatinoti kuSafari Farm.

“KuSafari Farm taikama mombe 554 saka tikasanganisa dzese kumapurazi edu ese ari maviri, tinenge tiine mombe 1 100. Kana vachinge vakama mombe kubva kumapurazi avo ese ari maviri vari kuwana marita 12 400 emukaka pazuva zvinoreva kuti pamwedzi vanowana marita 372 000,” vanodaro.

VaMacheka vanoti gore rino, Mafuro Safari Large Scale Diary Farming yakaparura chirongwa chechitatu chemabhindauko emukaka kuKwekwe kupurazi reEast Range Ranch riri padyo neSebakwe Game Park.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>