Varimi vochinjanisa chibage nezviyo, mapfunde

27 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Varimi vochinjanisa chibage nezviyo, mapfunde Varimi vachichinjanisa mbesa diki nechibage paCentenary Grain Makerting Board Depot

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vekuMuzarabani nevamwe vemudunhu reMashonaland Central vari kupembedza chirongwa chekuchinjanisa chibage nembesa dzetsanga diki cheGrain Swop Scheme kumatura eGrain Marketing Board (GMB) icho chakaparurwa kuCentenary nemusi weChina svondo rapera.

Pasi pechirongwa ichi, varimi vacharerukirwa zvakanyanya kana zvichienzaniswa nenguva yadarika apo vaichinjanisa chibage nemombe kumakoronyera ayo aivarozva zvipfuyo zvavo zvinokosha.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi paCentenary Grain Marketing Board, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove nekusimudzirwa kwekumaruwa, Cde Vangelis Haritatos, vanoti Hurumende yatora danho iri kuti varimi vaite sarudzo yakavanakira uye vasadhurirwe apo vanenge vachida kuchinja goho ravo.

“Murimi anogona kuchinja tani rimwe chete rembesa dzetsanga diki angava mapfunde, mhunga, kana zviyo achiwaniswa chibage chakangoenzana negoho raanenge aunza kumatura eGMB. KuMuzarabani kunonyanya kuita mbesa dzetsanga diki saka vazhinji vavo vanoti vaneta nekudya sadza rezviyo nekudaro vava kudawo jena.

“Tinovapa mukana wekuuya kuno vachiwaniswa chibage vosiyawo mapfunde anongoenderana nechibage chavanenge vapihwa pasina kuwedzera kana mari pamusoro,” vanodaro.

VaFoward Takaindisa vanova operations director kuGMB vanoti vane matani anodarika 4 000 echibage nembesa dzetsanga diki izvo zvakamirira kuti varimi vauye kuzochinja negoho ravanoda.

“Vazhinji vari kutodawo mbesa dzetsanga diki zvisinei nekuti vamwe vanoda chibage kuti vagaise vachipa zvipfuyo neupfu hwavo hwekudya,” vanodaro.

Varimi vachichinjanisa mbesa diki nechibage paCentenary Grain Makerting Board Depot

Professor Obert Jiri, avo vanova Chief Director Agricultural and Rural Development Advisory Services kubazi rezvemimda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa, vanoti madhumeni anofanira kukusha mashoko echenjedzo kuvarimi vari mumatunhu avo maringe nekukosha kwekurima zvirimwa zvetsanga diki, zvikuru munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weGuruve South mudare reNational Assembly, Cde Christopher Magomo, vanoti vagari vemunzvimbo yavo vanorima zvirimwa zvetsanga diki zvakanyanya saka kuuya kwechirongwa chekuti vachinjanise nechibage kuchavabatsira zvikuru.

“Vazhinji muno havana mabasa anovapa mari kuti vatenge chibage saka vaitoendesa zvipfuyo zvavo zvakadai semombe nembudzi kuti vawane chibage. Hurumende yauya nedanho rakanaka rinochengetedza varimi nekuti apa vanongochinjanisa goho ravo pasina kurasikirwa saka tinozvikudza,” vanodaro.

Mapfunde

VaGift Kolowa avo vanorimira kuChadereka Ward 1 yekuMuzarabani vanoti nzvimbo yavo haiite kurima chibage nekuti inopisa zvakanyanya nekudaro vanorima mbesa dzetsanga diki.

“Chirongwa ichi tinochigashira nemaoko maviri nekuti chinotirerutsira zvikuru kuti tive nesarudzo yakasununguka yekuchinjanisa mapfunde edu nechibage saka hatichamiriri makoronyera aiuya nechibage vachitora mombe dzedu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaHouse Njani vekwaSabhuku Chimoyo, kuMuzarabani kwakare, vachiti mwaka wadarika vakatoendesa mombe mbiri kumakoronyera vakawaniswa masaga makumi maviri echibage.

Charity Nala naMai Joyce Mazhizha (66), vose vekuMuzarabani, vanoti vanogamuchira chirongwa ichi nemaoko maviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>