Varimi vodzidziswa kusvina mafuta

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa
SANGANO reZimbabwe Seed Sovereign Program (ZSSP ) nguva pfupi yadarika rakaita musangano nevarimi apo vaipihwa mazano pamusoro pekukosha kwezvirimwa zvidiki uye kuzvivandudza kuburikidza nekugadzira zvakadai semafuta ekubikisa.

Musangano uyu weNational Seed Fair – uyo wakapindwa nevamiriri vemasangano akasiyana – waifamba nedingindira rinoti, “Kurudziro yekudyiwa nekutengeswa kwechikafu nemafuta zvine hutano kubva mumbesa dzechivanhu.”

Vachitaura pagungano iri, VaNgoni Chikowe vesangano reZimbabwe Small Holder Organic Farmer’s Forum (ZIMSOFF) vanoti zvakakosha kuti varimi vavandudze basa ravo kuburikidza nekugadzira mafuta ekubikisa kubva muzvirimwa zvakasiyana.

“Kubva kare taingoziva kuti masanifurawa nesoya bhinzi ndidzo mbeu dzatinokwanisa kushandisa kugadzira mafuta asi iko zvino kwave nembeu yeruninga. Murimi ava kukwanisawo kusvina achigadzira mafuta ekubikisa kubva muruninga. Izvi  zvave kureva kuti murimi anokwanisa kutengesa mafuta aya achizviwanira mari yake,” vanodaro VaChikowe.

Vanoti nyaya dzekurima dzakakosha pakusimudzira budiriro yenyika.

“Isu sevarimi tikagona kurima mbeu dzechinyakare zvinotibatsira kuti tidye kudya kune hutano. Kare vanambuya vedu vaiita minda yaiva nezvirimwa zvakasiyana-siyana zvinoti mhunga, rukwezha, zviyo nemapfunde. Iyi inhaka yatakasiirwa yatinofanira kuramba tichichengetedza nekuti kumwe kudya kwamazuvano hakuchaenderane nemiviri yedu kana nemawaniro atinoita,” vanodaro.

Eve Mere wekunyika yeBenin – uyo aive akamirira sangano reAfrican Biodiversity Network – anoti kurima ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

“Kurima kunobatsira kuvandudza budiriro munyika yose uye kana ndadzokera ndichanosvika ndichinoparura chirongwa chekudzidzisa varimi kurima mbeu yeruninga kunyika kwangu kuburikidza nedzidziso yandatora pamusangano uno,’’ anodaro.

Vaive pagungano iri vanosanganisira vamiriri vemasangano anoti Action Aid, World Vision, Women and Hand in Zimbabwe, Perlum Zimbabwe neSimbabwe Super Seeds.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>