Varimi vokurudzirwa kushandisa mishonga yechivanhu

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Varimi vokurudzirwa kushandisa mishonga yechivanhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYANZVI dzezvekurima paUniversity of Zimbabwe dzakatanga chirongwa chekukurudzira varimi kushandisa mishonga yechivanhu, iyo inonzi haina njodzi kuutano hweveruzhinji, mukudzivirira zvirwere kuzvipfuyo pamwe nezvirimwa zvavo. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nguva yadarika muHarare pakati pevarimi nenyanzvi dzinoona nezvekurima pasi pechirongwa chinozivikanwa nekuti Options.

Chirongwa ichi chine donzvo rekusimudzira ongororo maringe nenyaya dzekurwiswa kwetwumbuyu twunokanganisa goho pachishandiswa mishonga yechivanhu.
Vachitaura pamusangano uyu, Professor Brighton Mvumi avo vari kuchikamu chinoona nezveivhu nekusimbaradzwa kwezvekurima kuUniversity of Zimbabwe, vakati chirongwa ichi chakatanga gore rapera.

“Takatangisa kuita ongororo iyi gore rapera, donzvo redu riri rekuona kuti varimi vawaniswa ruzivo rwemuno urwo rwunovabatsira kuti vange vachirwisa zvirwere kana twupukanana twunokanganisa goho nezvipfuyo zvavo.

“Tinoda kuti vange vachishandisa makwenzi emuno mukugadzira mishonga inouraya twumbuyu sezvaiitwa makare asi ngapatange paitwa ongororo inoratidza kuti zvakakodzera here kana kuti panenge paine zvibingaidzo,” vakadaro.

Vanoti vane shungu dzekuti nyika ive nemaguta kuburikidza nekugona kurima kwakanaka.
“Dambudziko retwumbuyu, nhata, zvipfukuto nemakonye ndizvo zvimwe zviri kudzorera murimi kumashure. Mimwe yemishonga iri kushandiswa nevarimi yakaonekwa kuti ine matambudziko akadai sekutadza kushanda nemazvo, kukanganisa utano hwevanhu, kusvibisa mweya wekufema weruzhinji kana nharaunda uye mimwe yacho inenge iri yemanyepo ichidhura semare sezvo ichitengwa kubva kune dzimwe nyika.

“Kana tikagadzira yeduwo mishonga muno isina matambudziko ari pamusoro tinoona tichibudirira mukurima,” vakadaro.
Prof Mvumi vanoti kana chirongwa cheOptions chikabudirira varimi vachange vachikurudzirwa kuti vadyare miti yakawanda inova yavachange vachizogadzira mishonga yekurwisa twumbuyu.

“Tichada kuita ongororo kuti tione kuti miti ine makwenzi atichabura mishonga yedu ichiri kuwanikwa here nekuti nekuda kwekunyanya kutemwa kwemiti masango mazhinji akasara ave magwenga nokudaro tichada kuva neminda yatinodyara miti yakakosha iyi,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>