Vashandi veutano votendwa nenziyo

08 Aug, 2021 - 07:08 0 Views
Vashandi veutano  votendwa nenziyo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wemusambo weSunungura ari kusimukira, Trymore Ganda (29), wekuManyame Park kuChitungwiza uyo anotungamira chikwata cheSungura Reformers, akabura dambarefu idzva rekutenda vanachiremba nevakoti nebasa guru ravari kuita munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Ganda – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Adhala Socky – anoti akaona zvakakodzera kuti abure kambo kekutenda basa riri kuitwa nanachiremba uye nanamukoti apo vari kuisa upenyu hwavo panjodzi nekubatsira vanhu vanenge vachirwara neCovid-19.

Mukambo aka, anodaro Ganda, anotendawo makambani anoviga vafi nebasa ravari kuita panguva ino.

“Dambarefu rangu rekutanga rine dziyo dzeSungura chete rinonzi Kuvhundutsa Vanhu kureva kuti denda iri ravhundutsa vanhu pasi rose, rapedza kurwarisa vazhinji. Kambo kekutanga panziyo sere dzirimo kanonzi Nyama Nemweya ako katinokumbira kuna Nyadenga kuti vatinzwire tsitsi padenda iri tisarwadziwe munyama nemumweya.

“Mukambo aka ndinotenda zvakare vanachiremba nanamukoti nebasa guru ravari kuita kubatsira vanenge varwere neCovid-19,” anodaro.

Anoti ari kukwenenzvera zvakare dambarefu rake rechipiri rinodaidzwa kuti Ngazviende Mberi iro rine nziyo dzine chitsama dzinosanganisira kanonzi Madzisahwira ako kari pamusoro pechirwere cheCovid-19.

“Padambarefu randiri kupedzisa iri pane kambo kanonzi Madzisahwira kanotaura zvakare nezvebasa guru riri kuitwa nemasangano akasiyana munyaya dzekurwisa Covid-19 nevamwe vanhu vose vakazvimirira,” anodaro.

Ganda anoenderera mberi achiti, “Sechikwata, takambomira kunoridza kunoungana vanhu nekuda kwechirwere cheCovid-19 kusvikira mitemo yenyika yave kubvumidza kuita izvi.”

Anotizve munziyo dzake zhinji, anokurudzira vanhu kuti vatye Mwari.

“Ikurudziro yangu kuti tisarase tariro nekuda kwedenda iri tozvipira kuita minamato tichichemera kuna Mwari kuti vatinzwire tsitsi vagopedza chirwere ichi sekupedza kwavakamboita zvimwe zvirwere.”

Ganda anoti akatanga kuimba ari Grade 3 pachikoro cheMagaya Primary, chiri kwaMurehwa ndokuzotanga kuridza gitare ava Grade 7.

“Ndainzwa mwoyo wangu kupisa ndikangoona munhu aiva negitare ndichida kumukumbira kusvikira ndakazoona mumwe ainzi Shelton Kadzinga aifamba negitare rake akazondidzidzisa kuriridza,” anodaro Ganda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>