Vasungirwa dehwe rehaka

05 Nov, 2021 - 19:11 0 Views
Vasungirwa dehwe rehaka

Kwayedza

Gibson Mhaka

ZVISINEI nekuti haka ndiyo imwe yemhuka dzinochengetedzwa zvakanyanya pasi rose, dzinoramba dzichivhimwa nekuurayiwa uye kufambiswa zvisiri pamutemo munyika muno.

Sedanho rekurwisa mhosva dzakanangana nemhuka dzesango, mapurisa ekuBulawayo akasunga varume vaviri avo vakaonekwa vaine dehwe rehaka rinokosha US$5 000.

Allen Moyo (34) wekuPumula South naDeligent Muzwethu Mpofu (29) wekuNew Lobengula vakaonekwa vaine dehwe remhuka inochengetedzwa iyi apo matikitivha echikamu cheCID Minerals and Fauna vakavabata mushure mekunyeurirwa.

Haka ndeimwe yemhuka dzave kushomeka uye pamutemo wenyika, munhu anobatwa nemhosva yekuuraya, kuva nemhuka iyi kana kuitengesa zvisiri pamutemo uye chero imwe mhuka zvayo yakachengetedza anofanira kutongerwa kupinda mujeri kwemakore asiri pasi pemapfumbamwe kana abatwa kekutanga.

Asi, kana kari kechipiri kana kudarika anotongerwa makore ari pamusoro pegumi nerimwe chete.

Nemusi wa29 Gumiguru 2021, matikitivha kubva kuCID Minerals Flora and Fauna Unit, kuBulawayo vanonzi vakanyeurirwa kuti Moyo aiva nedehwe rehaka raaitengesa kuOld Pumula.

Vachishanda nezvakanga vanzwa izvi nenguva dza5 manheru, matikitivha akaenda kunhandare inotambirwa nhabvu kuOld Pumula apo vakasvika vachiona Moyo akatakura bhegi dzvuku uye hembe dzaakanga akapfeka dzaienderana nezvavakanga vaudzwa.

Matikitivha vakaenda kwaari vakazvizivisa uye ndokumuudza kuti vaida kuongorora bhegi rake apo vakabva vaona dehwe rehaka.

Moyo akasungwa mushure mekutadza kuburitsa magwaro anoratidza kuti ane mvumo yekuva nedehwe remhuka yakachengetedzwa iyi.

Dehwe iri rakabva raendwa naro kune veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) avo vakariongorora vakaona kuti ndere haka uye rinokosha US$5 000.

Tsvagurudzo dzakaitwa dzakaratidza kuti dehwe iri rakanga risiri raMoyo oga. Izvi zvakatevera kufumura kwakaita Moyo kuti Mpofu aivawo munyaya yekutengeswa kwedehwe rehaka iri.

Zuva raitevera, matikitivha akatsvaga Mpofu vakakwanisa kumusunga mukati meguta reBulawayo apo ainwa doro. Vaviri ava vakapinda mudare vachitongwa nemhosva yekuwanikwa vaine dehwe remhuka yakachengetedzwa zvisiri pamutemo sezvakatarwa muSection 45 yeParks and Wildlife Act (Chapter 20:14).

Havana kupihwa mukana wekupindura mudare uye vachadzoka nemusi wa16 Mbudzi 2021 apo vanenge vari mutirongo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>