Vechidiki vodzidziswa kurima

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Vechidiki vodzidziswa kurima

Kwayedza

VARIMI vechidiki vodzidziswa kurima pamwe nekuvandudza zvirimwa nemumwe muchena kuMazowe, kudunhu reMashonaland Central nedonzvo rekusimudzira mabasa avo.

VaLiam Philp (37), avo vanove muzvinapurazi weSelby Enterprise and African Preserves, ndivo vari kudzidzisa vachidiki ave kurima pamwe nekuvandudza zvirimwa zvakaita semhiripiri (pepper), matomatisi nebhinzi.

“Tinoshanda pamwe nesangano reZimbabwe Farmer’s Union (ZFU) vanove vanotipa vechidiki ava kuti tizovadzidzisa kurima pano. Tinorima matomatisi, bhinzi, pepper nezvimwe izvo tinoti kana takohwa togaya tichiisa mumagaba.

“Izvi zvinobatsira mukuderedza nyaya dzekutenga zvinhu zvakadai kune dzimwe nyika zvinova zvinodhura. Tinoda kuti vechidiki vawane mabasa anovapa cheuviri uye zvigadzirwa zvemuno zvine utano nekuti hazvisi maGeneric Modified Products (GMO),” vakadaro. VaPhilp vanoti vechidiki vavanodzidzisa ava vanozoenda kumatunhu akasiyana vachinofundisawo vamwe varimi.

“Tiri kuona iri riri danho rakakosha zvikuru nekuti kambani yedu inotengawo zvakare zvirimwa zvinobva kuvarimi vakadai sevekuDomboshava neGoromonzi. Varimi vari ava vanowaniswa ruzivo rwekurima zvirimwa zvatinoda nevechidiki ivava vatinofundisa. Kana tichinge tagaya uye tapeka zvirimwa zvedu tinozonotengesa kuzvitoro zvakadai sanaSpar, TM neOK,” vakadaro.

Selby Enterprises and African Preserves yakavambwa mugore ra2013 uye ine vashandi 400 vekufakitori pamwe nevekupurazi 250.

Zvakadaro, VaNewton Chari avo vanove National Youth Coordinator kusangano reZFU vakatsinhira kuti vari kushanda pamwe chete naVaPhilp muchirongwa chekusimudzira varimi, kunyanya avo vakasiira chikoro panzira.

“Takaona kuti kune vana vakawanda avo vari kusiira chikoro panzira vasina mabasa ndipo patakavamba chirongwa chinodaidzwa kunzi “Fit for Life” icho tinovabatsira nekuvadzisisa nyaya dzekurima. Vamwe takavaendesa kuKushinga Phikelela College of Agriculture, kuMarondera. Mushure mekudzidza, tinozoita kuti vaende kumakambani akasiyana uko vanonofundiswa zvavakadzidza. Saka Liam Philp ndiye mumwe ari kutibatsira sezvo akatora vamwe vaari kudzidzisa kurima nekuvandudza zvirimwa,” vakadaro VaChari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>