Vechidiki voita mabhindauko

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vechidiki voita mabhindauko Cde Evidence Masekeni vachiratidza muriwo uri kurimwa nevamwe vechidiki kwaSeke.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKAMU chevechidiki mubato riri kutonga reZANU PF kudunhu reMashonaland East chiri kusimudzira raramo yevechidiki vanodarika 40 000 kuburikidza nemabhindauko emawoko panguva iyo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Evidence Masekeni (33), avo vanova munyori kuchikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nekushanyirwa (secretary for environment and tourism) mubato iri kuMashonaland East vanoti vari kuvandudza raramo yevechidiki mudunhu iri.

“Kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba, isu sevatungamiri veZANU PF muno muMashonaland East hatina zororo nekufamba tichiona kuti vechidiki vari kurarama sei. Izvozvi takatarisana nevechidiki vanodarika 40 000 vatiri kubatsira mumabasa akasiyana,” vanodaro Cde Masekeni.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kunzi garai kudzimba kwakarehwa neHurumende hakurevi kuti vanhu voswera vakarara kana kuti vakatambarara mudzimba nekuti tikadaro tinofa nenzara. Mwedzi mitatu yatagara kudzimba iyi kwaitwa mabasa anotyisa ekuzvisimudzira mudunhu reMashonaland East. Tiri kurima mapindu maSeke, kuChivhu, kwaMurehwa, kuGoromonzi, Mudzi, Hwedza, Nyamapanda, kuBeatrice nekumwe.”

Vanoti vari kuomesa zvimwe zvirimwa kuita mifushwa izvo vanozotengesa.

“Takaona kuti vechidiki vari kurima zvirimwa zvakaita semuriwo, matomatisi, derere nezvimwe izvo panguva ino zvakawanda zvikuru. Saka nekuda kwenyaya yekuvandudza zvirimwa (value addition) takatsvaga michina yekuomesa ungava muriwo kana matomatisi nezvimwe tichiita mifushwa iyo tinotengesa kuzvitoro zviri kuHarare, kuMarondera kana kuChivhu,” vanodaro Cde Masekeni.

Vanoti vamwe vechidiki vari kuita mabhindauko anosanganisira kukanya zvidhinha, kuruka waya nekupfuya huku vachitengesa.

Share This:

Sponsored Links