Vodzidzisa tsika dzechivanhu

30 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Vodzidzisa tsika dzechivanhu Mai Fungai Mhaso -Coordinator

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA cheDingindira Traditional Dance Group icho chinoita mitambo yechivanhu kuZvishavane chiri kusimbaradza dzidziso yekukosha kwekutevedzera tsika nemagariro echivanhu.

Chikwata ichi chinotungamirirwa naMai Fungai Mahaso (49) uye chiri kufamba mudunhu reMidlands chichivandudza chivanhu kuburikidza nedzidziso pamusoro penziyo nekuyambirawo veruzhinji kukosha kwechivanhu mukurarama kwavo.

“Chikwata chedu chakasiyana nezvimwe zvinongomirira kuimba nziyo dzechinyakare nekuita mitambo. Tinodzidzisa vanhu tsika dzedu nekuti tine nyanzvi mukati medu dzekubazi rinoona nezvetsika nemagariro tichishanda zvakare neveNational Arts Council. Nziyo dzedu dzose dzine chivanhu mukati,” vanodaro Mai Mahaso.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoshanda zvakare nemachiremba echivanhu nevakwegura vemuno muMidlands.”
Vanoti mutsika nemagariro, vari kudzidzisa veruzhinji mhando dzemidziyo inoridzwa iyo inosanganisira ngoma nezvadzinoreva pakudziridza, mbira, hosho nezvimwe.

“Izvozvi takatotanga rwendo rwekutenderera dunhu reMidlands tichidzidzisa vanhu nzira dzekurohwa kwemakuva sezvo tiri mumwedzi waNyamavhuvhu unozivikanwa nekurova makuva, kubikwa kwedoro remashavi nekuitwa kwemapira.
“Tiri kutambirwa zvakanyanya munzvimbo dzatinofamba nekuti misha mizhinji yangosara vechidiki vari kutambudzwa nechivanhu vachishaya kuti votangira papi uyewo vamwe vechikuru vasara vanoti havachada kuita zvechivanhu. Vose ava tinobatsira pachena,” vanodaro Mai Mahaso.

Vanoti zvimwe zvavari kufamba vachidzidzisa vanhu kuitwa kwemikwerera nekuremekedzwa kwenzvimbo dzinoyera.

“Madzishe emuno tiri kushanda navo kumutsiridza tsika dzedu. Gore roga-roga, tinoenda kumakomo eNjelele tichinoita bira remvura tiine madzishe nevamwe vakuru vanokodzera kunge variko. Tichingobva kuNjelele, mvura inotonaya pasina nguva.”

Vanoti vanoshanda nezvikoro zvakare vachifundisa vadzidzi pamusoro petsika dzechivanhu.
VaGardner Mafa (47) mumwe anofamba nechikwata ichi vanoti chirongwa chavo chiri kubatsira zvakanyanya panyaya yekudzoreredza chivanhu.

“Chirongwa ichi tinochikudza nekuti chadzosera chivanhu pakare mudunhu rino reMidlands. Zvimwe zvatiri kudzidzisa kukosha kwekusadeurwa kweropa revanhu uyewo nekuti ngozi dzinofanirwa kuripwa,” vanodaro.
Sekuru Mverecha Chitova vanoshanda pamwe chete nechikwata ichi vanoti shuviro yavo kuti vapihwe mukana wekufamba munyikla yose vachidzidzisa zvetsika nemagariro echivanhu.

Share This:

Sponsored Links