Vorwira hanyanisi

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vorwira hanyanisi

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MUDZIMAI anogara mumusha weMufakose, muHarare, anoti akarimirana kumuganhu nehanzvadzi yake iyo yaave nemwedzi mitanhatu vasingataure vose zvisinei nekuti vanogara pamba pamwechete, daka ravo richibva pakupopotedzana pamusoro pehanyanisi dzemashallots.

Maria Ndowa akaendesa Shepherd Ndowa kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro.
Maria anoti anogara nehanzvadzi yake pamba pevabereki vavo vakashaya asi iri kumushungurudza.
Mutongi Tilda Mazhande akapa Maria gwaro rinomudzivirira.

“Uyu ihanzvadzi yangu asi kubvira munaChikumi gore rapera hatitaure tese. Ndaigara naye ndichiriritira mhuri yake nemwana wangu. Ini ndiri vhenda asi iye haaende kubasa.
Anoti hanzvadzi yake yakazomutuka nemashoko anorwadza.

“Akandituka zvinorwadza, tikachinjana mashoko. Akabva atanga kumanikidza mudzimai wake nevana kuti vatidzosere zvinhu uye pari zvino tave kubika tega.

“Anotuka mudzimai wake achimuti uri kufurirwa nechimunhu chakadzoka kumurume chine mwana akatizira,” anodaro.
Shepherd anoti haana kurova hanzvadzi yake asi kuti ndiye akazvuviwa.

“Handina kuvarova ini, vakandidhonza vakatobvarura hembe yandakanga ndakapfeka. Vakauya vachinditi uri kuda kuzviita ani, uri kutadza kuchengeta mhuri yako, ini ndikabva ndavasiya.

“Mvura nemagetsi ndini ndinobhadhara. Ari kuti ndakadzinga mwana wake asi ndini ndakatofonera muzukuru wangu ndichimuti ngaadzoke kumba kana zvisiri kuita kwaari. Ndivo vanotondishaudha. Ko kana achindichengeta vana vangu vari kubhadharirwa nani mari yekuchikoro?” anodaro.

Share This:

Sponsored Links